Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeManyame Rural Inotora Matanho Kugadzirisa Nyunyuto yeMvura paGuzha Market


Vashandi vekanzuru yeManyame Rural District Counzil vachigadzira nzira yekuti mvura irasike kubva mumusika. (Mufananidzo naFarai Muza)
Vashandi vekanzuru yeManyame Rural District Counzil vachigadzira nzira yekuti mvura irasike kubva mumusika. (Mufananidzo naFarai Muza)

Vamwe vagari vemuChitungwiza vanoshandisa musika weGuzha uri paChikwanha, pasi peManyame Rural District Council, vari kunyunyuta nekusagadziriswa kwedambudziko remvura inonzi iri kujenga pamusika uyu.

Vanoshandisa musika uyu vanoti izvi zviri kuvaisa munjodzi huru yekubatwa nezvirwere zvinosanganisira zvemanyoka nemalaria sezvo hutunga huri kunzi hwave kuberekeranawo mumvura iyi, iyo vanoti inonhuhwa.

Mumwe mugari wemuChitungwiza anoshandisawo musika uyu, VaFarai Muza, vanoti dambudziko iri rave nemakore anogona kudarika matatu risina kugadziriswa, kunyange hazvo vachigara vachiyeuchidza kanzuru yeManyame nezvaro.

VaMuza vanoti mvura iri kujenga iyi iri kukanganisa vemisika zvekuti vamwe vanotoshanda vakatsika mumvura iyi ichivasvika mumabvi.

"Nekunaya kwave kuita mvura drain riya rabva razara mvura manje zvekuti chirwere che cholera chave kutotarisirwa kuti chichabva ipapo. Apa ndipo panowanikwa ma fruits and vegetables ese ano supplier Chitungwiza chese nenzvimbo dzakaita sananaDema. saka unoona kuti kanzuru yakundikana chose kuti inge ichitora matanho," VaMuza vanodaro.

Hurukuro naVaFarai Muza
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weManyame Rural District Council, Doctor Farirai Guta, vanoti kanzuru yavo iri kuziva nezvedambudziko iri uye iri mushishi yekurigadzirisa, kunyange hazvo iri kusanganawo nematambudziko semamwe makanzuru ose.

"Dambudziko tinogona kuva tichiriziva zvedu nezvaro but, paGuzha pane mabasa akawanda atiri kushanda nezvawo. Tine project yekuisa tara paGuzha, ndofunga takatomboisa tara ipo pa area yemusika, hatisati tanyopedza zvedu," Doctor Guta vanodaro.

Vanoti sezvo vachiri mushishi yekugadzirisa nzvimbo iyi, zvemugero unorasa mvura vaironga kuzongozviita kana vapedza basa racho rose.

"Kungoti zvinhu zviri kunetsawo mazuvano nemawaniro atiri kuitawo mari but, chirongwa chekugadzirisa musika tinacho. Ivo vangangochema zvavo vanhu but vakaona kuti panotove ne shed yatiri mubishi kuvaka izvozvi yevarimi."

Doctor Guta vari kukurudzirawo vanoshandisa musika uyu kuti vange vachibhadharawo mitero yavo kuitira kuti kanzuru inge ichiwana mari yekushandisa mumabasa akaita sekugadiridza nzvimbo dzinoshandiswa neveruzhinji.

"Tinenge tichikurudzirawo kunyanya ivo fanika vemisika kuti kanzuru ishande zvakanaka tinenge tichitoraramawo navo panyaya dzemari neyi, neyi neyi. Tine dambudziko rekuti vamwe havasi kuti supporter in terms of kubhadhara mitero yavo vane ma tables pamusika ipapo."

Ongororo yazoitwa neStudio 7 zuva rimwe chete mushure mekubuda kwenyaya iyi inoratidza kuti vashandi vekanzuru vatove mushishi yekuchera mugero uchashandiswa kurasa mvura iri kujenga iyi, danho ratambirwa nemufaro mukuru nevagari pamwe nevanotengesa pamusika uyu.

Hurukuro naDoctor Farirai Guta
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG