Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweMitengo yeZvakawanda Kwosiya Veruzhinji, Varimi, Vaomerwa


Mitengo yezvinhu zvakawanda, zvikuru zvekudya, inonzi iri kukwira zvakanyanya zvekuti veruzhinji vave kutadza kufambidzana nayo.
Mitengo yezvinhu zvakawanda, zvikuru zvekudya, inonzi iri kukwira zvakanyanya zvekuti veruzhinji vave kutadza kufambidzana nayo.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mngangagwa vakavimbisa masvondo mashoma adarika kuti hurumende ichadzorera mari muzvitengeswa senzira yekubatsira vanhu, vanhu vari kuti hapana chati chamboshanduka munyaya dzemitengo yezvinhu.

Vanhu vakawanda vanonzi vari kuchema kuti mitengo yezvinhu zvavanoda zuva nezuva, kusanganisira zvekurimisa zvemwaka uno, iri kukwira zvisina mukare akamboona, izvo zvave kusiya vakawanda vachishaya pekutangira.

Mutengo wezvekudya zvinosanganisira upfu nechingwa unonzi uri kungokwirawo pamadiro.

Semuenzaniso, mutengo wechingwa unonzi wakakwira kubva pamadhora gumi nemana anemasendi makumi manomwe nemashanu ukaenda pamadhora gumi nemasere ane masendi makumi mana nemashanu parofu.

Mutengo weupfu wakakwirawo mwedzi wapera nezvikamu zana kubva muzana.

Nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu uku hakufanirwe kukatyamadza vanhu nekuti hurumende yakatozivisa kare kuti mitengo yezvinhu ichafambidzana nemisika yemari, iyo inomirawo nemari yekunze kwenyika, zvikuru nedhora rekuAmerica.

Doctor Kanyenze vanoti zvinozivikanwa kuti musika wemari uyu hauna kumira zvakanaka sezvo uri kungoenda nzira imwechete, yekudonha kwehuremu hwemari yemunyika.

Mutewedzeri wemunyori mukuru weZImbabwe Congress of Trade Unions, VaThomas Masvingwe vanoti kukwira kwemutengo wechingwa uku kwaomesera veruzhinji, zvikuru vashandi zvikuru, avo vanga vave kurwisa kuti vangokwanisa kuwana chikafu kaviri pazuva, mangwanani nemanheru.

Matambudziko ekukwira kwemitengo yezvinhu anonzi haasi kunzwengawo varimi, avo vanonzi vapererwa nemazano nekuda kwekuramba mitengo yezvikwanisiro ichikwira.

Mukuru weTobacco Industries and Marketing Board, Doctor Andrew Matibiri vanoti kukwira kwemitengo yezvekurimisa kuri kubata varimi vose, kusanganisira varimi vefodya, izvo zvinogona kudzikisa ndimo mwaka uno.

Doctor Matibiri vanoti chimwe chiri kunyanyonetsa varimi kushaikwa kwemagetsi, ayo ari kudzimwa dzimwa, izvo zviri kukanganisa vaya varimi vakanga vadyara fodya yekudiridzira.

Tsaga refotereza yepamusoro rine huremu hwemakirogiramu makumi mashanu rinonzi rave kutengeswa muzvitoro zvakawanda zvinotengesa zvekurimisa nemutengo uri pakati pemadhora mazana mashanu nemakumi manomwe nemazana matanhatu.

Tsaga refotereza yepasi rine huremu hwumwechetehwo rinonzi rave kutengesewawo nemadhora emunyika ari pakati pemazana mana nemakumi manomwe nemazana mashanu emadhora, zvichienderana nekuti uri kushandisa nzira dzipi dzekubhadhara.

Chimwe chinonzi chiri kukonzera kukwira kwemitengo zvakanyanya mutengo wemafuta edzimotokari, uyo wanga uchikwidzwa svondo roga roga.

Doctor Kanyenze vanoti dambudziko remunyika iri rinogona kupedzwa chete kana pakaitwa munonera pamwe chuma chemuzukuru mune zveupfumi pamwe nezvepatongerwo enyika.

Kusvika izvi zvaitika, veruzhinji vanonzi vacharamba vachinonga svosve nemuromo.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG