Accessibility links

Breaking News

Mvura Yakawanda Yotarisirwa Kunaya Nyika Yose


Boka rinoona nezvemamiriro ekunze rinoti mvura zhinji iri kutarisirwa kunaya mumatunhu akawanda emunyika mukati mesvondo rino.
Boka rinoona nezvemamiriro ekunze rinoti mvura zhinji iri kutarisirwa kunaya mumatunhu akawanda emunyika mukati mesvondo rino.
Hurukuro naVaTich Zinyemba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bazi rezvezviwanikwa, mamiriro ekunze pamwe nekushanyirwa kwenyika, kuburikidza neboka rezvemamiriro ekunze re Meteorological Service Department, riri kuzivisa nezvekunaya kwemvura yakawanda munyika yose kubva Muvhuro kusvika musi weChina.

Mamwe matunhu akaita seHarare, Mashonaland East neManicaland anotarisirwa kuwana mvura inogona kudarika 80 millimeters, mvura inenge yakawandisa kudarika mamwe.

Mutauriri we Meteorological Services Department, VaTich Zinyemba, vanoti matunhu achawana mvura yakawandisa neChipiri anoti Matabeleland North, Matabeleland South, Masvingo pamwe neMidlands, dzimwe nzvimbo dzichiwana mvura inodarika 50 millimeters mukati memaawa makumi maviri nemana kutanga Muvhuro.

VaZinyemba vanoti kuwanda kwemvura uku kunogona kuzokonzera kuzara kwenzizi nemadhamu, izvo zvinogona kuzoisa veruzhinji munjodzi.

Vanoti boka ravo riri kuyambira veruzhinji, zvikuru vana vadiki, vakwegura pamwe nevatyairi kuti vasaedze kuyambuka nzizi dzinenge dzizere, vachitiwo vagere munzvimbo dzakadzikira vanofanirwa kubva sezvo dzichizoita mafashamu.

VaZinyemba vanotiwo mvura iyi ichange iine mhepo yakawanda inogona kudzura miti nekuparadza matenga edzimba, uyewo kuti ichange iine mheni.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG