Musangano wepagore webato riri kutonga reZanu PF wechigumi nesere uri pakati pokuitwa kuGoromonzi mudunhu reMashonaland East paine zvivimbiso zvakawanda zviri kubva kuhutungamiri hwebato iri zviri kunzi zvichagadziriswa nehurumende.
NeChitatu mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vakavimbisa kuti hurumende yavo ichatora zvakare mamwe mapurazi ekuti ikwanise kugovera minda kune vechidiki vasina kuwana cheuviri kubva muchirongwa chekugoverwa kwevhu.
Nhengo yevechidiki veZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti pamusangano uyu ndipo pavachaburitsa zvisungo zvekuti matambudziko mune zveupfumi nezvematongerwo enyika akatarisana nenyika angagadziriswa sei.
VaMugwadi vanoti bato ravo riri kuita zvakawanda zvinobatsira vanhu, zvakaita sekugadzirisa magariro evanhu, nekudaro harifanirwe kunge richishoropodzwa.
Asi munyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reMDC, VaJacob Mafume, vanoti havaoni paine chinobuda kubva mumusangano uyu sezvo bato reZanu PF ragara richingovimbisa zvimwe chetezvo kwemakore makumi matatu nemapfumbamwe adarika.
Facebook Forum