Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheNational Convergence Platform Chinoparurwa muHarare


Nhengo yeCitizens Manifesto, VaBriggs Bomba.
Nhengo yeCitizens Manifesto, VaBriggs Bomba.

Sangano reZimbabwe Heads of Christian Denominations rakaita musangano muHarare wekuparura hurongwa hwekutsvaga nzira dzekugadzirisa gakava rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe, hunonzi National Convergence Platform.

Musangano uyu wapindwa nevemasangano anosanganisira iyo Zimbabwe Christian Heads of Denominations, Platform of Concerned Citizens, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Zimbabwe Council of Churches, masangano evashandi, vezvevemabhizinesi pamwe neevadzidzi.

Nhengo yeCitizens Manifesto, VaBriggs Bomba, vanoti ivo nevamwe vavo vatora danho iri sezvizvarwa zveZimbabwe kuti vatsvage gwara ravanoda kuti nyika inge ichitora kuti pakwanise kuitwa nhaurirano dzinozosanganisira vezvematongerwo enyika, madzimai, vechidiki nemamwe mapoka ose.

Muaturiri weNational Convergence Platform, Reverend Kenneth Mtata, vanoti hurongwa hwavo hausi hutsva, asi kuti huri kusimbaradza zvakamboitwa kare nevamwe vavo vemachechi vakarwisa zvikuru mukuunza runyararo munyika.

VaBomba vanoti chokwadi chiripo ndechekuti kutambura kuri munyika kwanyanyisa zvekuti pave kuda kuti zvinhu zvigadziriswe kuitira kuenda mberi.

Vanoti vakanyorera vezvematongerwo enyika tsamba vachivazivisa nezvehurongwa uhwu, uye vakatowana mhinduro kubva kumahofisi evatungamiri veZanu PF neMDC, uye pane zvatotanga kuitika, kunyange hazvo zvisati zvave kuitika zviri pamutemo.

Hurukuro naVaBriggs Bomba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG