Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Musangano waVaChamisa weHONA Wave Kuitirwa kuMuzinda weBato weMorgan Tsvangirai House


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti musangano wakarongwa nemutungamiri webato VaChamisa wekuti vataure kumhuri yeZimbabwe weHope of the Nation Address, wave kuzoitirwa kumuzinda webato iri weMorgan Tsvangirai House neChitatu.

Musangano uyu wakambenge wanzi uchaitirwa muAfrica Unity Square muHarare asi mapurisa anonzi akaurambidza kuti uenderere mberi panzvimbo iyi achinzi akati aityira kuti veruzhinji vanogona kuzotora mukana iwoyo kuratidzira nekukonzera mhirizhonga sezvo vanhu vasina kugadzikana munyika.

Mutauriri wemutungamiri weMDC, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti vakaedza kuudza mapurisa kuti vachange vaine vanyarikani vanosanganisira vamiriri vemizinda yenyika dzekunze pamwe nevemabhizimusi, nekudaro hapana mhirizhonga inozoitika, asi mapurisa akaisa zvimiti munzeve.

Doctor Sibanda vanoti havana kushamiswa nemhinduro yemapurisa iyi sezvo agara ari kurambidza bato reMDC kuita misangano yaro nyika yose.

Panyaya yekuti mapurisa haasi kuwirirana nenzvimbo yavari kuda kuitira musangano wavo, Doctor Sibanda vanoti harisi basa remapurisa rekuvatsvagira kwekuitira misangano yavo sezvo vari bato riri pamutemo muZimbabwe.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, varamba kuti mapurisa akarambidza VaChamisa kuita musangano wavo, asi kuti mapurisa haana kuwirirana nepfungwa yekuti musangano uyu uitirwe muAfrica Unity Square.

Assistant Commissioner Nyathi vanoti mutemo mutsva weMaintenance of Peace and Order Act, MOPA, unopa masimba kumukuru wemapurisa mudunhu rinenge richida kuitirwa musangano kuti aone kana zvakakodzera kuti mudunhu rake muitirwe musangano uyu pasina mhirizhonga.

Vanoti nekuda kweizvozvo, mukuru wemapurisa muguta reHarare akaona zvakakodzera kuti musangano uyu usaitirwa muAfrica Unity Square.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG