Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votarisirwa Kubatsira Vari Kumusha paNguva yeZororo


Kukwira kwemitengo yezvinhu zvakawanda kumusha kunonzi ndiko kwave kuita kuti vari kumusha vatarisire vari kunze kwenyika kuti vavabatsire.
Kukwira kwemitengo yezvinhu zvakawanda kumusha kunonzi ndiko kwave kuita kuti vari kumusha vatarisire vari kunze kwenyika kuti vavabatsire.

Yasvika zvakare nguva iya yegore, apo vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vakawanda vanoenda kumusha kunopedza zororo rekisimusi negore idzva vari pamwe chete nehama neshamwari.

Iyi ndiyowo zvakare nguva inotarisirwa nevari munyika vakawanda kuti vari kunze kwenyika vavatumire mari pamwe nezvinhu zvekushandisa panguva yezororo rekisimusi negore idzva sezvo veruzhinji munyika vari kunonga svosve nemuromo.

Makarekare zvinhu zvichakanaka munyika, vari kunze vakawanda vakanga vasinganetseke nepfungwa yekuti vaobatsira sei vari kumusha, asi kuti vaitoronga kuti vosangana sei kuti vapembere vari pamwechete.

Asi nekuda kwekuwondomoka kwehupfumi hwenyika, zvese izvi angove matakadya kare asinganyaradzi mwana.

Mutungamiri wesangano revanorarama nekutenga pamwe nekutengesa kunze kwenyika, re International Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, avo vari muJohannesburg South Africa, vanoti semakore ose, nguva ino vana veZimbabwe vakawanda vari muSouth Africa vanenge vavotanga kare kutumira zvinhu kumusha.

VaJuru vanoti nekuda kwekuoma kuri kuita zvinhu kumusha, vamwe vanoti zviri nani kutumira mari kumusha panzvimbo yekuti vange vachienda ivo, sezvo zvichida mari yakawanda.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG