Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanobatana neVamwe Vatungamiri kuMusangano weGlobal Business Forum Africa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa

Musangano weGlobal Business Forum Africa watanga neMuvhuro muDubai mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachinzi vakurudzira vemabhizimusi pasi rose kuti vapinde muZimbabwe vachitangawo mabhizimusi avo.

Bepanhau reHerald rinoti VaMnangagwa vataura pamusangano uyu vachiti nyika yavo yakabvisa zvimhingamipinyi zvose zvaitadzisa vekunze kutanga mabhizimusi munyika.

Bepanhau iri rinoti zvakare VaMnangagwa vasanganawo namambo veDubai, Sheikh Mohamed bin Al Maktoum, vanove zvakare mutewedzeri wemutungamiri wenyika variwo zvakare mutungamiri wehurumende yeUnited Arab Emirates, avo vanonzi neHerald ndivo vakakoka mutungamiri wenyika kumusangano uyu.

Musangano weGlobal Business Forum Africa uyu ndewechishanu, uye unonzi wakanangana nekuvhura mikana yekuita mabhizimisi pakati penyika dzemuAfrica neUnited Arab Emirates.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo vanoti musangano uyu hauna zvikuru zvaunobatsira nazvo nyika dzemuAfrica, uye vanokurudzira kuti dai uchiitirwa muAfrica nguva dzose kuitira kushambadza dunhu iri.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru sezvo uchipa mukana kuvatungamiri venyika dzemuAfrica kushambadza zviwanikwa nezvigadzirwa zvavanazvo munyika dzavo.

VaChirumhanzu vanotiwo misangano yakadai inopa VaMnangagwa mukana wekuvhura patsva nhaurirano dzekudyidzana zvakare nenyika dzakanga dzagura hukama neZimbabwe.

VaMnangagwa vakaperekedzwa kuDubai nechikwata chakasimba chinosanganisira vemabhizimusi nevakuru muhurumende yavo.

Vamwe vatungamiri venyika nedzihurumende dzemuAfrica vari kumusangano uyu vanosanganisira mutungamiri weLiberia, VaGeorge Weah; mutungamiri weSeychelles VaDanny Faure; VaCarlos Agostinho do Rosario vanove mutungamiri wehurumende yeMozambique, pamwe nemutungamiri wehurumende yeUganda VaRuhakana Ruganda.

Musangano uyu unotarisirwa kupera neChipiri uye wakarongwa nesangano reDubai Chamber of Commerce and Industry.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG