Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Vochema-chema neKukwira kweMari dzeMapasipoti


Hurumende yakakwidza mutengo wemapasipoti kune vari kunze kwenyika kuenda pamadhora mazana matatu negumi nemasere.
Hurumende yakakwidza mutengo wemapasipoti kune vari kunze kwenyika kuenda pamadhora mazana matatu negumi nemasere.

Vari kunze kwenyika vari kuchema-chema nekukwira kwaita mari yavanofanirwa kubhadhara kuitira kuti vawane mapasipoti matsva kana kumutsiridza anenge apera kushanda.

Izvi zvinotevera danho rehurumende neMuvhuro svondo rino rekuzivisa kuti yakapa mvumo kuboka rekwamabharani mukuru wenyika rekwaRegistrar-General, kuti ritange kubhadharisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika madhora ekuAmerica mazana matatu negumi nemasere.

Vachitaura nevatori venhau, gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vakati bazi ravo rinoziva nezvetarisiro hombe ine vanhu yekuti ringe richidhinda mapasipoti nekukasika, uye kuti vanhu vari kutambura kuwana magwaro aya, zvikuru vari kunze kwenyika vanenge vaine magwaro apera kushanda.

VaKazembe vakati nekuda kuona kuti zvizvarwa zvenyika zviri kunze zvine magwaro akarongeka munyika dzazvigere, hurumende yakaona zvakakodzera kukwidza mutengo, uye magwaro aya achiburitswa nekukasika.

Asi vamwe vari kunze kwenyika vari kuona sekunge hurumende yatora danho iri kuti iunganidze mari yekunze.

Munhu anenge achitora pasipoti ari munyika anobhadhara mari inoita madhora makumi mashanu nematatu emaRTGS, kuchitiwo anoda inobuda mukati memazuva matau achibhadhariswa madhora emunyika mazana maviri nemakumi mashanu nematatu.

Anoda pasipoti inobuda mukati mezuva rimwechete anobhadhariswa madhora mazana matatu nemakumi masere.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vanoti komiti yavo yakatsigira zvakasimba danho rekukwidza mari dzemapasipoti evari kunze senzira yekubatsira vanhu ava kuti vakasike kuwana magwaro avo, vasakanganise hugaro hwavo munyika dzavari.

VaParadza vanoti vakawanda vari kunze kwenyika vanga vanzwa nekubirwa nehama neshamwari dzavo vachibhadhariswa mari yakawanda vachinzi vari kugadzirisirwa mapasipoti avo.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG