Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanonanga kuDubai kuMusangano weGlobal Business Forum Africa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi vasimuka mangwanani anhasi vakananga kuDubai, uko kune musangano weGlobal Business Forum Africa uyo uri kutanga mangwana. Musangano wemazuva maviri uyu unonzi unounza pamwe chete vedzihurumende dzemuAfrica neUnited Arab Emirates nevemabhizimusi vakasiyanasiyana mukutsvaga nzira dzekushanda pamwechete mune zveupfumi nekutengeserana.

Bepanhau reHerald rinoti VaMnangagwa vaperekedzwa nechikwata chinosanganisira vakuru-vakuru vezvemabhizimusi vakawanda nevamwe vakuru muhurumende.

Uyu musangano weGlobal Business Forum Africa wechishanu unonzi wakarongwa neDubai Chamber of Commerce and Industry, uye dzimwe nyika dzemuAfrica dzinonzi dzakazivisa kuti dzichatumira makurukota adzo kumusangano uyu.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda sa programmes director musangano re Zimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Reuben Mbofana, vanoti kunyange hazvo musangano uyu wakakosha, zvaive zvakakodzera kuti uitirwe muAfrica, sezvo chinangwa chiri chekukwezva vemabhizimusi kuti vapinde muAfrica.

"Hapana chakaipa hacho kana pane mutungamiri wenyika, kana nevamwewo vemabhizimusi, vanenge vachida kushambadza nyika, vanenge vachida kushambadza Africa vanoda kuti mabhizimusi avhre munyika muno, avhure muAfrica kuti nyika dzedu dzibudirire.

"Asi chinozondipedza simba ndechekuti tinenge takukwira ndege ndichienda kunyika dzakaita saanaDubai tichiti tiri kuenda ikoko kunoita Global Business Froum tichiongorora nezveAfrica, asi tichiitira musangano wacho kuDubai. Ipapo ndipo pandinopera simba rese kuti aah! aah! Zvakufamba sei apa?" VaMbofana vanodaro.

Vanoti izvi hazvisi zvinhu zvinofanirwa kusimudza mukuru wenyika achiti ave kunokwezva vemabhizimusi vekunze kuti vazotanga mabhizimusi munyika, asi kuti panofanirwa kutanga patumwa vepasi vanononyengetedza vemabhizimusi ava, mutungamiri wenyika ozongosaina zvibvumirano zvinenge zvaumbwa.

VaMbofana vanotiwo kunyange hazvo pari kuitwa misangano yakawanda yekukwezva vemabhizimusi muAfrica, hapana zvikuru zvinobatika zvati zvaonekwa zvakabuda kubva mumisangano yakadai.

Hurukuro naVaTendai Reuben Mbofana
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG