Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Mapurisa Aridzira Pfuti Kuna VaChamisa paZuva reKudyara Miti reNational Tree Day


Mapurisa kuMarondera anonzi ashandisa pfuti kurambidza mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa kudyara miti pazuva reNational Tree Day.
Mapurisa kuMarondera anonzi ashandisa pfuti kurambidza mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa kudyara miti pazuva reNational Tree Day.
Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti mapurisa aridzira pfuti mutungamiri waro paanga achidyara miti kuMarondera mudunhu reMashonaland East, pahurongwa hwavo hwekucherechedza zuva rekudyarwa kwemiti munyika, reNational Tree Day.

Mutauriri waChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda vanoti mapurisa aya ashandisa mabara anouraya pamwe nemabara erhabha nehutsi hunokachidza mukuda kuparadza vanhu vanga vaungana paDombotombo Clinic, apo VaChamisa vanga vachidyara miti.

VaChamisa vakatara mwedzi wese waZvita semwedzi wekuti vanhu munyika yose vange vachidyara miti senzira yekudzivirira kuparara kwenyika kunonzi nenyanzvi kuri kukonzerwa nekutemwatemwa kwemiti.

VaChamisa vanonzi vadyarawo miti pamahofisi ekanzuru yeMarondera vasati vaenda paDombotombo Clinic.

Doctor Sibanda vanoti sezvo vanga vasiri kuita musangano, vanga vasingafanirwi kutanga vatsvaga mvumo yemapurisa yekuti vaungane vachidyara miti.

Hurukuro naDoctor Nkululeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi varamba mashoko ekuti mapurisa ashandisa mabhara anouraya, vachiti hapana kumboridzwa pfuti, asi kuti mapurisa angoshandisa chete utsi hunokachidza.

Vanoti mapurisa amanikidzwa kutora danho iri kuparadza vanhu vanga vaungana vasina mvumo yemapurisa, avo vavanoti vanga vave kuda kuita zvemhirizhonga vachiimba.

Assistant Commissioner Nyathi vanoti zvakakosha zvikuru kuti vanhu vese, kusanganisira vemapato ezvematongerwo enyika, kuti varemekedze mitemo yemunyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG