Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana nePasi Rose Kucherechedza Zuva reKodzero dzeVanhu


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, reInternational Human Rights Day. ZLHR inoti Zimbabwe haisi kuremekedza kodzero dzevanhu.
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, reInternational Human Rights Day. ZLHR inoti Zimbabwe haisi kuremekedza kodzero dzevanhu.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Zimbabwe Peace Project neInternational Organization for Migration aungana panzvimbo yemabhizimusi paRukawu, kwaMutoko mudunhu reMashonaland East achicherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Human Rights Day.

Pakucherechedza zuva iri, sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rakurudzira hurumende kuti icherechedze pamwe nekukoshesa mabasa anoitwa nevechidiki vekurwira kuitira kuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe.

Magweta aya apawo mukana kuvagari vemudunhu iri kuti vadzidze pamusoro pekodzero dzavo, uye apindurawo mibvunzo nekubatsira vaungana ava mukurwira kodzero dzavo mune zvakasiyanasiyana.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti vaona zvakakosha zvikuru kuti vacherechedze zuva iri vari kwaMutoko gore rino kuitira kuti vape mukana kuvanhu vekumaruwa vanonetseka kuwana rubatsiro rwemagweta.

VaMafunda vanoti hurumende ichiri kure zvikuru mukuremekedzwa kwekodzero dzevanhu, sezvo vanhu vakawanda vari kuramba vachimbunyikidzirwa kodzero dzavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, panyaya yekuti zvii zviri kuitwa nehurumende mukuchengetedza kodzero dzevanhu.

Zimbabwe yakaumba komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, iyo inoona nezvekuchengetedzwa kwekiodzero dzevanhu munyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna sachigaro vekomisheni iyi, Va Evalisto Mugwadu, kuti tinzwe zviri kuitwa nekomisheni yavo munyaya dzekodzero dzevanhu.

Sangano reIbrahim Index inoti Zimbabwe iri pachinhambo chemakumi mana nemana kubva panyika makumi mashanu neina dzemuAfrica munyaya dzehutongo hwejechetere.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG