Accessibility links

Breaking News

Mapurisa muSouth Africa, Anopinda muMafekitari Achisunga Vashandi veKunze


Mapurisa emuSouth Africa anonzi apinda mumafekitari achisunga vashandi vekunze vasina magwaro.
Mapurisa emuSouth Africa anonzi apinda mumafekitari achisunga vashandi vekunze vasina magwaro.

Mapurisa akabatana nevashandi vebazi rezvekupinda nekubuda munyika pamwe nevebazi rezvevashandi apinda mumamwe mafekitari ari munzvimbo yeIndustria muJohannesburg achisunga vashandi vanobva kune dzimwe nyika vari muSouth Africa vasina magwaro anovabvumidza kugara nekushanda munyika iyi.

Dandemutande reTwitter rehurumende yeSouth Africa razivisa nezvedanho iri kuburikidza nemavhidhiyo nemifananidzo zvanga zvichiratidza zvaswera zvichitora matanho.

Dandemutande iri rinotiwo vemakambani vawanikwa vaine mhosva yekutyora mutemo wezvevashandi nemabasa pamwe nekushanda zvakanaka mumakambani, uye vanga vachibva vasungwawo vachibhadhariswa mafaindi.

Sangano reAfrican Diaspora Forum rinonzi raswerawo riri mushishi kuedza kubatsira vasungwa ava, avo vanonzi vaendeswa kukamba yeLindela.

Pataenda pamhepo sangano iri ranga richiti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zana nemakumi mashanu zvasungwa muzviitiko izvi.

Bazi rezvemukati menyika muSouth Africa razivisa kuti vasungwa vose ava vachadzoserwa kunyika dzavo.

Hamusi muSouth Africa chete muri kusangana zvizvarwa zvezimbabwe nematambudziko ekudzoserwa kumusha, sezvo izvi zvichinzi zviri kuitikawo muBotswana.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zviri kuitwa nemapazi ehurumende yeSouth Africa izvi ndizvo zvaiitwa nehurumende yevachena munguva yehutongi hwehudzvanyiriri.

VaMavhinga vanoti chikuru chiri kukonzera kuti vabvakure vashande vasina magwaro kunonoka kwebazi rezvemukati menyika kuwanisa vanhu vanenge vanyorera kuti vabatsirwe, uye nehuwori.

Vanoti chiri kukanganwikwa nehurumende yeSouth Africa ndechekuti guta rakaita seJohannesburg rakavakwa nevabvakure vaishanda mumigodhi munguva yechirongwa cheWitwatersrand Native Labour Association (WNLA), icho chinonyanyozivikanwa seWenela.

VaMavhinga vanoti panofanirwa kugarwa pasi nenyika dzemugungano reSADC kuitira kuti dzitsvage nzira dzinobatsira vanhu, kwete kutevera miganho yavanoti yakadzikwa nevachena.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG