Accessibility links

Breaking News

Citizwean Initiative Yobatsira Vagari vekwaMutare neKurapa Vanhu Pachena


Chirongwa chekubatsira veruzhinji pachena ichi chakatangwa nemari iri kuunganidzwa naVaFreeman Chari, avo vari kuAmerica.
Chirongwa chekubatsira veruzhinji pachena ichi chakatangwa nemari iri kuunganidzwa naVaFreeman Chari, avo vari kuAmerica.

Chirongwa chekubatsira vanoshaya kuti vakwanise kurapwa pasina muripo chiri kutungamirwa nesangano reCitizen Initiative, cheCitizwean Mobile Clinic, chiri kunanga kwaMutare, uko vanachiremba navanamukoti vakazvipira kubatsira varwere pachena vachange vari muChikanga kwemazuva maviri kutanga neChishanu.

Mumwe wevari kutungamira chirongwa ichi, VaWellington Mahohoma, vanoti sangano ravo rakabatsirwa nenzvimbo yekushandira nechipatara cheCombined Health Care Services, uye vanotarisira kubatsira vanhu vanodarika mazana manomwe pamazuva maviri aya.

VaMahohoma vanoti vachange vachibatsira chete vana vari pasi pemakore gumi nevakuru vakwegura vane makore makumi matanhatu zvichikwira.

VeCitizwean Mobile Clinic vakatanga kubatsira varwere pachena kuBulawayo mwedzi wapera, uko vakabatsira varwere vanodarika mazana mashanu, vakazoendawo kuHarare uko vakabatsira vanhu vanodarika zana.

Chirongwa chekubatsira veruzhinji pachena ichi chakatangwa nemari iri kuunganidzwa naVaFreeman Chari, avo vari kuAmerica.

VaChari nevamwe vavo vakabatsira zvakare kuunganidza mari yekubatsira nayo vanhu vekuChimanimani vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura, reCyclone Idai.

Hurukuro naVaWellington Mahohoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG