Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichiomera veruzhinji munyika kuburikidza nekukwira kwemitengo yezvinonyanyodiwa muhupenyu, zvikuru zvekudya pamwe nemafuta edzimotokari, asi mihoro yevashandi vazhinji isina kwairi kuenda.
Izvi zvinotevera kukwira kutanga svondo rino kweupfu zvichitevera danho rinonzi rakatorwa nehurumende rekubvisa rutsigiro rwemari mukutengwa kwechibage negorosi nevanogaya upfu.
Rutsigiro urwu rwunonzi rwaibatsira kuti mitengo yezvinhu zvakaita seupfu nechingwa irambe iri pasi, sezvo vanogaya upfu vaiwana dzimwe dzemari dzavanoda kubva kuhurumende.
Vachitura hurongwa hwemashandisirwo emari nehurumende mugore rinouya, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisa kuti hurumende yaizotora danho iri senzira yekuderedza nayo mari yainoshandisa.
Asi imwe nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti danho rehurumende rekubvisa rutsigiro rwemari iri rakatoita kuti zvinhu zvinyanye kuomera veruzhinji.
Semuenzaniso, katsaga keupfu hwerudzi rwe roller meal kane huremu hwemakirogiramu gumi kanonzi kakakwira mutengo kubva pamadhora makumi mashanu nemashanu kuenda pamadhora zana nerimwe nemasendi makumi matanhatu nematanhu.
Peturu yakakwirawo mutengo kubva pamadhora gumi nemanomwe ane masendi manomwe kuenda pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi mana nemana parita, kuchitiwo dhiziri richenda pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi mapfumbamwe parita, richibva pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi manomwe nemana.
Mutewedzeri wemunyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaThomas Masvingwe, vanoti kukwira kwemitengo uku kuri kuomesera vashandi zvakanyanya nekuti mihoro yavo haisi kufambirana nezviri kuitika mune zveupfumi.
VaMasvingwe vanoti mari iri kutambirwa nevashandi haichagoni kuti vararame, vachiti zvose izvi zviri kukonzerwa nehurongwa hwehurumende hwekuvandudza upfumi, kana kuti austerity measures.
Izvi zvinotsinhirwawo naDoctor Chitambara, avo vanoti mihoro yevashandi yedonha zvakanyanya zvichienzaniswa nehuremu hwedhora rekuAmerica.
Asi vaimbove gurukota rezvemaindasitiri nekutengesera, VaMike Bimha, vanoti hongu, vanhu vangaona sekunge zvinhu zviri kukwira mitengo asi pane zvakawanda zvaikanganisa hupfumi zviri kuedza kugadziriswa nehurumende.
Vanoti zvose izvi zvichapfuura zvinhu zvichitogadzikana zvakanaka kwazvo munyika.
Panyaya yekuti zvose izvi zviri kuremera vashandi, VaBimha vanoti mhinduro inofanirwa kunge ichibva kuvashandirwi kuti vari kuzviona sei, asi vanoti ibasa revashandirwi kuona kuti vashandi vavo vadzivirirwa kubva mumatambudziko akasiyanasiyana.
VaMasvingwe vanoti hupenyu hucharamba huchiomera veruzhinji, zvikuru vashandi, kana mitengo yakaramba ichiita chamurambamhuru pasina ari kuiisa matomu.
Vanoti pasvika zvinhu pari zvino pave kutongoda kuti vashandi vagare zvavo kudzimba dzavo, sezvo vasina mari dzekufambisa, pamwe nekuti vatenge chikafu kudzimba.
Vakuru vanoti chakatanga ndicho chakachenjedza, nekudaro vakawanda vanoti vari kutarisa mberi vachiyeuka matambudziko akasangana nenyika mumakore a 2007 na 2008, apo veruzhinji vakanonga svosve nemuromo.
Kusvika zvinhu zvagadzikana mune zveupfumi, vazhinji vacharamba vachitya mimvuri yavo.
Facebook Forum