Accessibility links

Breaking News

Apex Council Inoti Hurumende Ichabhadhara Vashandi Vose Bhonasi Mwedzi Uno


Vashandi vehurumende vachiratidzira. Sangano reApex Council rakatozivisa kuti nhengo dzaro hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa nekuti hadzichina chekufambisa.
Vashandi vehurumende vachiratidzira. Sangano reApex Council rakatozivisa kuti nhengo dzaro hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa nekuti hadzichina chekufambisa.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti raziviswa nevanomirira hurumende munhaurirano kuti hurumende ichapa vashandi vayo vose mari dzemabhonasi avo mwedzi uno.

Izvi zvinoreva kuti hurumende yashandura danho rayo rayakazivisa svondo rapera rekuti ichabhadhara vashandi vayo mari dzemabhonasi mukati memwedzi miviri, Mbudzi naZvita wegore rino.

Mutungamiri weApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti vafadzwa zvikuru nezvaitwa nehurumende izvi sezvo vashandi vakanga vatoratidza kare kusafara kwavo nedanho rekuti vasiyaniswe kuwana mari dzekutendwa idzi, vachiti vaizowana muna Zvita vaizowana mari idzi dzisisina huremu nekuda kwe inflation.

Sangano reApex Council rakatozivisa kuti nhengo dzaro hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa nekuti hadzichina chekufambisa.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakavimbisa kare kuti hurumende ichapa vashandi vayo vose mari dzebhonasi, kunyange hazvo vakanga vasina kutara mazuva ekuti vanovapa riinhi.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG