Vaimbove mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakapinda munyika neMuvhuro vakaita musangano wekutanga nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizosangana nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa pashure.
Rwendo rwaVaMbeki rwunonzi rwakanangana nekutsvaga nzira dzekupedza matambudziko akatarisana nenyika, ayo anonzi nevakawanda anopera chete kana pakaita nhaurirano pakati paVaMnangagwa naVaChamisa.
NeChipiri VaMbeki vasanganawo nevamwe vatungamiri vemapato anopikisa vari muchikwata chevatungamiri vemapato vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika gore rapera, chePolitical Actors Dialogue, POLAD.
Vasangana naVaMbeki vanoti mutungamiri weNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, pamwe nemutungamiri wePeople's Democratic Party, Amai Lucia Matibenga.
Bato reMDC inotungamirirwa naVaChamisa rakaramba kutambira kuti VaMnangagwa ndivo mutungamiri wenyika, richiti rinotambira chete kupinda munhaurirano dzinotungamirirwa nemuyananisi wekunze kwenyika.
VaMbeki vanozivikanwa zvikuru nekuyananisa gakava raiva pakati pevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai muna 2008 izvo zvakazoita kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa muna 2009.
Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti musangano wakaitika pakati paVaChamisa naVaMbeki wakakosha zvikuru nekuti zvave kuratidza pachena zvaigara zvichitaurwa naVaChamisa zvekuti munyika munoda nhaurirano dzemapoka ose, kwete POLAD chete.
"President Chamisa vagara vachitaura kuti aiwaka, vari kuPOLAD vanoitawo zvavo, asi zvinhu zvenyika zvinoda kunge zvichiitwa panze, pachiita kutaurirana pakati pevakaba ma election neMDC inotungamirirwa naPresident Nelson Chamisa," Doctor Sibanda vanodaro.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti kupinda kwaVaMbeki munyika mucherechedzo wekuti VaMnangagwa vakazvipira kuti zvinhu zvigadziriswe nekukasika.
Facebook Forum