Vanhu ava, gumi nemumwe vari mudunhu reMatabeleland South, vaviri kuMasvingo, vamwe vaviri mudunhu reMidlands nemumwechete muHarare, vanonzi vose vakabva kuSouth Africa, uye vari munzvimbo dzinochengeterwa vanenge vabva kunze kwenyika, kana kuti quarantine centers.