Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeMafuta eDzimotokari neChingwa Inokwira Zvakare


Mutengo wemafuta edzimotokari wakwira izvo zvinonzi nenyanzvi mmune zvehupfumi zvichaita kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwirewo.
Mutengo wemafuta edzimotokari wakwira izvo zvinonzi nenyanzvi mmune zvehupfumi zvichaita kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwirewo.

Kambani yehurumende inoona nezvekuwanikwa kwemafuta edzimotokari kubva kunze, kugadzirwa kwawo pamwe nekufambiswa kwawo munyika, yeZimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, yazivisa kuti mutengo wemafuta epeturu pamwe nedhiziri wakwira kutanga neChishanu.

Peturu yakwira kubva pamadhora makumi maviri nerimwe nemasendi makumi manomwe nemanomwe ($21.77) kuenda pamadhora makumi maviri nemasere nemasendi makumi mapfumbamwe nematanhatu parita ($28.96).

Dhiziri rakwirawo kubva pamadhora makumi maviri nerimwe nemasendi makumi mashanu nemaviri kuenda pamadhora makumi maviri nemana nemasendi makumi manomwe nematatu parita ($24.93).

Kukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari uku kunouya panguva iyo mafuta aya ari kunetsa kuwana munyika, uye kunouya zuva rimwe chete mutengo wechingwa wakwirawo kubva pamadhora makumi matatu nemashanu kuenda pamadhora makumi mana nemana parofu.

Sangano revanobika chingwa reNational Bakers Association of Zimbabwe rakazivisa kuti kukwira kwemutengo uku kwakakonzerwa nekukwira kwemutengo wezvinodiwa mukubikwa kwechingwa.

Izvi zvinoitika kunyange hazvo hurumende svondo rapera yakadzika mutemo weStatutory Instrument 119 wegore ra2020, uyo unobvumidza kupinzwa munyika kwehupfu hunobikiswa chingwa pamwe nehwesadza pasina kubhadhariswa mutero weduty kwemwedzi mitanhatu, senzira yekuedza kurerutsa dambudziko rekushaikwa kwechingwa neupfu munyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kukwira kwemitengo uku kuri kukonzerwa zvakanyanya nekusave nechivimbo nemari yemunyika, izvo zviri kuita kuti ishaye simba kana ichienzaniswa neyekunze kwenyika.

Vanoti vazhizhinji vanopinza mafuta munyika vave kuzvitsvagira vega mari yekunze kuti vatenge mafuta aya kubva kunze kwenyika.

VaKuchera vanotiwo kukwira kwemutengo wemafuta uku kuchakwidzawo mitengo yezvinhu zvakawanda sezvo mafuta achishandiswa mukugadzirwa pamwe kufambiswa kwezvinhu zvakawanda munyika zuva nezuva.

Vanoti dambudziko iri rinopedzwa chete kana nyika yakatanga kugadzira pamwe nekurima yoga zvizhinji zvezvinhu zviri kutengwa kunze, izvo zviri kudya mari yekunze yakawandisa, panguva iyo nyika isina dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG