Accessibility links

Breaking News

Hupenyu Hwedu-VaNick Mangwana Voshoropodzwa neKutuka Kwavanonzi Vakaita Mufundisi Doctor Shingi Munyeza


Muzvinabhizimusi vari Mufundisi Doctor Shingi Munyeza. (Photo: Marvellous Mhlanga Nyahuye.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana neChishanu vakayambira muzvinabhizimusi vari mufundisi Doctor Shingi Munyeza vachiti vanofanirwa kusiyana netsika yekuhwanda nebhaibheri vachishoropodza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Kwemasvondo adarika, Doctor Munyeza, vanove zvakare nhengo yekomiti yezvipangamazano zvemutungamiri wenyika, yePresidential Advisory Committee, PAC, vanga vachiburitsa mavhidhiyo pamwe nemashoko anoshoropodza hutongo huri muZimbabwe vachiti huwori nekutyorwa kwekodzero dzevanhu zvinoita sekunge nyika isina hutungamiri.

Izvo ndizvo zvakazoita kuti VaMangwana pamwe nevamwe mubato reZanu PF vashoropodze Doctor Munyeza, vachiti Dovctor Munyeza vanofanirwa kuudza VaMnangagwa munzeve mashoko ose avari kuburitsa aya pavanosangana navo kumisangano yavanoita, kwete kurova bembera kana kufukura hapwa pamadandemutande.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoshoropodza VaMangwana vachiti harisi basa ravo rekutsiura vana veZimbabwe, avo vavanoti vane kodzero yavo yekutarura zvavanoda yavanopiwa nebumbiro remitemo, kusanganisira Doctor Munyeza.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG