Munyori anoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kugara kwakanaka musangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, mudunhu reMasvingo, Amai Sheila Chirisamhuru, vasungwa nemapurisa kuMasvingo kwakare.
Izvi zvinotevera kuratidzira kwaitwa nevarairidzi mudunhu iri vachiti vanoda kuti hurumende ivape mihoro yavo nemari yekuAmerica.
Gweta riri kumirira Amai Chirisamhuru, VaMartin Mureri vekambani yemagweta yeMatutu and Mureri Legal Practitioners, vanoti Amai Chirisamhuru vave kupomerwa mosva yetyora mutemo weMOPA nekuungana vasina mvumo yemapurisa mushure mekumbenge vapomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga.
VaMureri vanoti Amai Chirisamhuru vambochengetedzwa pakamba yemapurisa yeChikato vasati vaiswa mumaoko ematikitivha edivi reLaw and Order uko vacharara usiku hwanhasi paine tarisiro yekuti vamiswe pamberi pedare neChipiri.
Varairidzi vanodarika zana nemakumi mashanu varatidzira pamahofisi edzidzo muMasvingo vachiti vanoda kuti hurumende ivape mihoro yavo nemari yekuAmerica inoita madhora mazana mashanu nemakumi maviri pamwedzi.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.
Hurumende yakawedzera vashandi vayo mari dzemihoro svondo rapera asi iri kurambwa nemasangano ose anomirira vashandi vachiti havana kutanga vagarwa navo pasi.
Asi gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavhima vakaudza Studio 7 kuti hurumende yagara iri kuronga kusangana nevashandi vayo kuti vazeye nyaya dzemihoro mwedzi uno.
Munyori wesangano reARTUZ, VaRobson Chere vanoti neMuvhuro nhengo dzavo chete ndidzo dzakaratidzira, asi vanotarisira rutsigiro kubva kune mamwe masangano pamwe nevashandi vari kuda kuti mihoro yavo igadziriswe.
VaChere vanoti vacharamba vachiratidzira nyika yose kusvika hurumende yavabhadhara mihoro yavo nemadhora ekuAmerica ayo vanoti anokwanisa kutenga.
Varairidzi ava vanoti vari kuda kuti mihoro yavo ive mumadhora ekuAmerica anoita mazana mashanu nemakumi maviri pamwedzi.
Facebook Forum