Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVabatwa neCovid-19 Hunokwira Panguva iyo Hurumende Iri Kukurudzirwa Kuvheneka Vanhu Vakawanda


Vanhu vari kunyanya kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 ndevaya vari kubva kunze kwenyika, zvikuru kuSouth Africa.
Vanhu vari kunyanya kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 ndevaya vari kubva kunze kwenyika, zvikuru kuSouth Africa.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira neChishanu manheru kusvika pamazana matatu nemakumi mana nevatatu zvichitevera kuwanikwa kwevanhu gumi nemumwe chete vaine chirwere ichi nemusi weChishanu.

Pavanhu vakawanikwa vaine chirwere ichi neChishanu, vose vaibva kuSouth Africa.

Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vasvika pamakumi mashanu nemumwe, vashaya vachiri vana, izvo zvinosiya huwandu hwevanhu vachiri kurwara ne Covid-19 vari pamazana maviri nemakumi manomwe nevanomwe.

Vanhu vakaongororwa chirwere ichi nemusi weChishanu munyika yose vanosvika mazana masere nemakumi mashanu nevaviri.

Vazhinji vevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi ndevaya vakadzoka kumusha kubva kuSouth Africa, vari munzvimbo dziri kuchengeterwa vakabva kunze kwenyika.

Izvi zvave kuita kuti vemasangano anorwira kodzero dzevanhu vakawanda vakurudzire hurumende kuti ione kuti vanhu vari kuiswa munzvimbo idzi vachengetedzwa zvakanaka here, vachiti vamwe vari kuwanikwa vaine chirwere ichi vanogona kunge vari kuchibata, kanawo zvimwe zvirwere, vave munzvimbo idzi.

Sachigaro vesangano rinomirira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa, reAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti nekuda kwekuti vanhu vari kunzvimbo dziri kuchengeterwa vanobva kunze ndivo vari kunyanya kuvhenekwa, zvave kuita sekunge vari kubva kuSouth Africa ndivo chete vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Doctor Sibanda vanoti hurumende inofanirwa kutambanudza chirongwa chayo chekuvheneka vanhu yovhenekawo nevagara vari munyika, nekuti kunogona kunge kuine vakawanda vari kurwara kana kufa nechirwere ichi, asi vasingazive nekuti havasi kuongororwa.

Vanoshorawo huwori hwavanoti vari kunzwa kuti hurkuitwa nedzimwe dzihurumende dzemuAfrica, dzavanoti dziri kushandisa zvisizvo zvikwanisiro nedzimari zvakapiwa nevekunze kuti zvibatsire mukudzivirira kupararira kweCovid-19 muAfrica.

Pasi rose huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hunonzi neJohns Hopkins Hospital yekuAmerica hwadarika mamiriyoni manomwe ane mazana mashanu ezviuru, uye vafa vave kudarika zviuru mazana mana nemakumi maviri nezviviri.

America ndiyo ichiri pamusoro pahuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi, avo vave kudarika mamiriyoni maviri, vafa vachida kusvika zviuru zana negumi nezvina.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG