Accessibility links

Breaking News

Sangano reHarare Residents Trust Ronyunyuta Pamusoro peKukwidzwa kweMitero neKanzuru


Asi kanzuru yeHarare inoti vagari vagara vachiziva kuti mitero ichakwira kuburukidza nebhajeti regore rino rakapasiswa.
Asi kanzuru yeHarare inoti vagari vagara vachiziva kuti mitero ichakwira kuburukidza nebhajeti regore rino rakapasiswa.

Rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti riri kushushikana nekukwidzwa kwarinoti kwakaitwa mitero nekanzuru yeguta reHarare kubva muna Ndira wegore rino.

Mukuru wesangano iri, VaPrecious Shumba, vanoti sangano ravo riri kukurudzira kuti kanzuru ikoshese pfungwa dzevagari isati yatora matanho akafanana neiwaya ekukwidza mitero.

Sangano iri rinoti mitero yakakwidzwa inosanganisira yezvivakwa iyo yakakwidzwa nezvikamu mazana matatu kubva muzana, mvura ichikwidzwawo nezvikamu zviri pakati pemazana maviri nemakumi mapfumbamwe kubva muzana nemazana matatu negumi kubva muzana.

Mutero wekutakurwa kwemarara wakakwira nezvikamu zana nemakumi mashanu kubva muzana, uyewo mutengo wenzvimbo dzekuviga vafi wakakwirawo nezvikamu mazana mana nemakumi matatu nezvitatu kubva muzana.

VaShumba vanoti zvavari kuwana kubva muvagari zvinoratidza kuti havasi kutambira bhajeti regore rino, iro rakonzera kukwidzwa kwemitero uku.

Vanotiwo kanzuru inofanirwa kutanga yazivisa vagari nezvekukwidzwa kwemitero uku kuburikidza nekutumira magwaro anenge aine mari dzavanofanirwa kubhadra asi izvi hazvisi kuitika.

Vanoti chimwe chiri kurwadza vagari ndechekuti vari kubhadhariswa mutero wemvura yavasiri kuwana pamwe nemutero wekutakurwa kwemarara, ayo asiri kutakurwa.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi meya veguta reHarare, VaHebert Gomba, vanoti sangano reHarare Residents Trust harisi kutaura chokwadi kana richiti kanzuru haisi kunzwa pfungwa dzevagari nekuti bhajeti iri rakaziviswa kuvagari vose, vavanoti vanodarika mamiriyomi maviri nechidimbu, uye vakatoritambira.

VaGomba vanotiwo kukundikana kwekanzuru yavo kudhinda magwaro ekuzivisa vagari nezvemari dzavanofanirwa kubhadhara pamwedzi kuri kukonzerwa nekunetseka kuri kuita kanzuru yavo kuwana mari, munguva iyo zvinhu zvose zvakwidzwa mitengo.

Meya vanoti vanoshamiswa kuti sangano revagari iri riri kutarisira kuti kanzuru isakwidze mitero asi iro richiona kuti zvinhu zvose zviri kukwira mitengo.

VaGomba vanoti vari kukurudzira vagari kuti vabhadhare mitero yavo kuitira kuti kanzuru yavo ikwanisewo kuvawanisa zvavanoda.

Hurukuro naVaHerbert Gomba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG