Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rakazivisa neChitatu kuti rakanga rave kusiya tsika yaro yekutara iro mutengo wedhora rekuAmerica kana richichinjaniswa nemari yemunyika, richiti mutengo wedhora rekuAmerica unofanirwa kutarwa nemisika yezvemari kuburikidzwa nekutengeswa pamukambo kana kuti auction system.
Gwaro rakaburitswa neRBZ neChitatu rinoti kutanga musi wa 23 Chikumi, panenge poitwa musika wekutengesa mari yekunze svondo roga roga izvo zvichange zvichizotara mutengo wemari yekunze iyi.
Bhanga guru renyika iri rakambenge ratara mutengo wedhora rekuAmerica richiti rinofanirwa kutengwa nemadhora makumi maviri nemashanu emari yemunyika, asi izvi zvinonzi nenyanzvi mune zvehupfumi hazvisi kushanda, sezvo pamusika mutema dhora rekuAmerica riri kutengeswa nemadhora anodarika makumi mapfumbamwe emunyika.
Nyika iri kutatarikawo kuwana mari yekunze iyi nekuda kwekupindira kunonzi kunoita hurumende mukutengeswa kwemari yekunze pamisika, izvo zvinonzi zviri kuiota kuti vanhu vachengete mari dzavo.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti hurumende haifanirwe kunge ichitara mutengo wedhora sezvo kuita kwakadai kuchiita kuti mutengo wechokwadi umbunyikidzwe.
VaKuchera vanoti danho rakatarwa nehurumende rekugeza maoko ayo pakutarwa kwemutengo wedhora rekuAmerica rakanaka chose, uye vanotarisira kuti hurumende haizodzoki zvakare yoda kupinza ruoko rwayo.
Facebook Forum