Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvotevedzerawo Kurudziro yeKudzivirira Covid-19 muMabasa


Vashandi vanonzi vari kukurudzirwa kugeza maoko uye kushandisa mishonga inouraya hutachiwana, kana kuti hand sanitizer.
Vashandi vanonzi vari kukurudzirwa kugeza maoko uye kushandisa mishonga inouraya hutachiwana, kana kuti hand sanitizer.

Nyika dzakawanda pasi rose, idzo dzakambenge dzambovhara senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, dzakatanga kubvumidza kuvhurwa zvishoma zvishoma kwemakambani akasiyanasiyana paine kurudziro yekuti vashandi nevashandirwi vatevedzere mitemo yakatarwa inodzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Matanho aya akaonawo vana veZimbabwe vari munyika dzakasiyanasiyana vachidzokerawo kumabasa kwavo vachiedzawo chose kuti vatevere mitemo yehutano hwakanaka mumabasa mavanoshanda, inosanganisira kupfeka nhumbi dzinodzivirira kutapuriranwa kwechirwere, kugeza maoko nesipo uye kusiya mikaha pakati pavo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaitawo rombo rakanaka rekudzokera kubasa ndaVaPhainos Chikunda, avo vari kuPort Elizabeth, kuSouth Africa.

VaChikunda vanoti kubva pavakadzokera kubasa, sevashandi vari kutora matanho anokurudzirwa neWorld Health Organisation ekuona kuti vazviidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19, kungave kubasa kana kumba.

Vanoti pavanosvika pabasa mangwanani oga oga vanovhenekwa kuona kuti havasi kupisa miviri here, vogeza maoko nesipo uye kuzora maoko avo mushonga unouraya hutachiwana. Vanotiwo mushandi wese anenge akavhara muromo nemhino, vachivhenekwa zvakare vave pabasa.

Vamwe vari kunze vari kuunganidzawo mari nezvekudya zvekubatsira zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutambura munguva ino yeCovid-19 zvisati zvakwanisa kudzokera kumabasa.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo muSouth Africa umo vanhu vakabatana kubatsira vari kushaya.

VaChikunda vanotiwo munyika iyi mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda chose zvisati zvadzokera kumabasa, izvo zviri kuita kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Asi vanoti zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevemakereke nevemamwe masangano anobatsira vari kuedza kuunganidza rubatsiro pamwe nezvekudya zvekubatsira vari kutambura ava, vamwe vachitobatsirwa kubhadhara mari dzepekugara.

Chinonzi chiri kunyanya kunetsa ndechekuti hurumende yeSouth Africa haisi kubatsira vasiri zvizvarwa zvenyika iyi.

Hurukuro naVaPhainos Chikunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG