Accessibility links

Breaking News

Sangano reFrontline ZW Rotungamira Mberi Mukubatsira Vari Kuzvipira Kurwisana neCovid-19


Sangano reFrontline ZW riri kuunganidza rubatsiro rwakasiyanasiyana rwuri kupiwa vari pamberi kudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika.
Sangano reFrontline ZW riri kuunganidza rubatsiro rwakasiyanasiyana rwuri kupiwa vari pamberi kudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika.

Svondo rino muchirongwa chedu ‘Hupenyu Hwedu’, tiri kutarisa nezvemabasa akanaka ari kuitwa nesangano reFrontline Zimbabwe, iro riri kubatsira vari pamberi mukurwisana pamwe nekudzvirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuguta reHarare.

Imwe nhengo yeSangano iri, Muzvare Chipo Mashingaidze, vanoti sangano ravo riri kubatsira vanamukoti, vanachiremba, mapurisa, mauto pamwe nevashandi vekanzuru vari kushanda mumabasa akasiyanasiyana ane chekuita nekudzivirira chirwere charura pasi rose ichi kuburikidza nekuvatsvagira zvikwanisiro zvekupfeka vachiita mabasa avo ekurwisana neCovid-19.

Muzvare Mashingaidze vanoti vari kuunganidzawo rubatsiro rwakasiyanasiyana rwunosanganisira mvura yekunwa pamwe nezvekudya.

Vanoti sesangano, vari kubatsirawo zvakare vakwegura, vakaremara nevana vadiki vari kutungamira dzimhuri, uye vanoti kusvika pari zvino vabatsira mhuri dziri mumisha yeMbare neEpworth.

Muzvare Mashingaidze vanoti sesangano vanotenda zvikuru vose vari kubatsira nenzira dzakasiyanasiyana kuti basa ravo rirambe richienderera mberi.

Vanoti sangano ravo rakatangwa nevagari vakangozvipirawo kuti vabatsire mushure mekuona zviri kuitwa nevari kuzvipira kushanda vachidzivirira vana veZimbabwe kuti vasabatwa nechirwere ichi.

Hurukuro naMuzvare Chipo Mashingaidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG