Vanhu vakawanda vanofamba nedzimotokari pamwe nemichovha vanonzi nhasi mangwanani vakundikana kupinda nekubuda muguta reHarare mushure mekurambidzwa nemapurisa pamwe nemauto, avo vanonzi vanga vakarinda migwagwa mikuru yose inopinda muguta.
Mashoko atawana kubva kune vamwe vakundikana kupinda muguta anoti vanga vachiudzwa nemapurisa kuti vanhu havasi kubvumidzwa kufambafamba sezvo riri zuva rekutsanya pamwe nekunamatira nyika sezvakatarwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Asi mutungamiri wesangano reZimbabwe Passengers Association, VaTafadzwa George Goliati, vanoti kunyange hazvo mapurisa anga asingavatsanangure zvikonzero zvanga zvichiita kuti arambidze vanhu kupinda muguta reHarare, vanofunga kuti zvinogona kunge zviine chekuita nekutongwa kwenhengo nhatu dzeMDC uyewo musangano webato raMuzvare Thokozani Khupe reMDC-T waitirwa paMorgan Tsvangirai House.
Vakawanda vadzorwa kudzimba vanosanganisira vanganga vachibva kuMabvuku nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza, avo vanonzi vanga vachidzorerwa paMabvuku Turn-Off.
Vamwe vanonzi vanga vachidzorerwa kudzimba vasvika paMbudzi Roundabout, kuchitiwo vanga vachipinda muguta neChitungwiza Road vachidzorwa kudzimba nemapurisa anonzi anga ari paMvurachena.
Studio 7 yaedza kunzwa divi remapurisa panyaya iyi asi patabata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti titaure navo vati vanga vari pane imwe nharembozha. Tazoedza kuvabata zvakare asi takundikana.
VaGoliati, vanoti sesangano vamboedzawo kubata mukuru wemapurisa mudunhu reHarare asi vakundikana kuwana mhinduro.
Facebook Forum