Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVari Kubatwa neCovid-19 Vanhu Vari Kubva Kunze kweNyika


Vanhu vakawandsa vari kubva kune kwenyika vanonzi ndivo vari kubatwa vaine chirwere cheCovid-19.
Vanhu vakawandsa vari kubva kune kwenyika vanonzi ndivo vari kubatwa vaine chirwere cheCovid-19.

Huwandu hwevanhu vari munyika vabatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, vazhinji vevanhu vatsva vari kubatwa vaine chirwere ichi vari vanhu vari kubva kunze kwenyika, avo vakasvikochengetedzwa munzvimbo dziri kuiswa vanobva kunze vachiongororwa kuti vane chirwere here kana kuti kwete.

Bazi rezvehutano nekurerwa kwakanaka kwevana nezuro rakazivisa kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwave pamazana maviri nemakumi maviri, vapona vari makumi maviri nevapfumbamwe, uye vashaya vachiri vanhu vana. Izvi zvinotevera kubatwa nechirwere ichi kwevamwe vanhu gumi nevatanhatu vainge vabva kuSouth Africa

Mumiriri weWorld Health Organisation, (WHO) muZimbabwe, Doctor Alex Gasasira, mukupera kwesvondo vakakurudzira kuti vanhu vasavhunduke nekukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere, vachiti chinodiwa kutevere zvakadzama mitemo yebazi rezvehutano yekudzivirira kutapuriranwa.

Kuwanikwa kwevari kubva kunze vari ivo vakawanda vane chirwere cheCovid-19 kwave kuita kuti dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzityire kuti munzvimbo dziri kuchengetwa vanhu vanobva kunze umu munogona kuzopedzisira mave imo muri kutapuriranwa chirwere ichi, kunze kwekuti dzive nzvimbo dzinodzivirira kuparadzirwa kwechirwere.

Vamwe vari munzvimbo idzi vakataura neStudio7 vaipa mifananidzo inosiririsa, inoratidza kuti vagary havasi kutevedzera mitemo yakatarwa neWorld Health Organisation yekudzivirira kutapuriranwa kweCovid-19.

Mumwe chiremba, vari chizvarwa cheZimbabwe, Doctor Edgar Munatsi, vanoti nekuda kwekuti vazhinji vevari kubva kunze ndivo vari kubatwa vaine chirwere ichi, zvakakosha zvikuru kuti hurumende ione kuti mitemo yakatarwa nebazi rezvehutano iri kuteverwa here, yakaita sekuti vanhu vasaungane.

Doctor Munatsi vanoti kana pakasatorwa matanho nekukasika, nzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu idzi dzinoguma dzave nzvimbo dziri kuparadzirwa chirwere cheCovid-19.

Vanotiwo hurumende inofanirwa kuti isimbise hurongwa hwekuronda makafambwa namo nevakabatwa chirwere ichi, kana kuti contact tracing, kuitira kuona kuti havana kuparadzira chirwere here.

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG