Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Matatu neMakumi Maviri Vanobatwa neCovid-19 muZimbabwe


CoronaVirus Masks
CoronaVirus Masks

Bazi rezvehutano rakazivisa neChitatu Manheru kuti vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika vakanga vasvika pamazana matatu nemakumi maviri, vapona kuchirwere ichi vave makumi mana nevapfumbamwe, uye vafa vachiri pavana.

Izvi zvinotevera kuwanikwa kwevamwe vanhu vatanhatu vakabva kuSouth Africa vaine chirwere ichi pavanhu chiuru nezana nemakumi manomwe nevana (1,174) vakaongororwa nezuro wakare.

Vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvishanu nemazana manomwe nevapfumbamwe (55, 709) vaongororwa kana vaine chirwere ichi cheCovid-19 munyika yose kusvika pari zvino.

Pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana maviri (7,2 million) vabatwa nechirwere ichi pasi rose uye vafa vadarika zviuru mazana mana negumi nezviviri, kana kuti (412 thousand.)

Imwe nyanzvi mune zvehutano, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti kuramba huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi muZimbabwe huchikwira mucherechedzo wekuti pane zvinogona kunge zviri kukanganiswa nehurumende mukuedza kwayo kudzvirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG