Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCovid-19 Munyika Hunoramba Huchikwira


Ruzhinji rwevanhu vari kubva kunze kwenyika ndirwo rwuri kubatwa chirwere cheCovid-19.
Ruzhinji rwevanhu vari kubva kunze kwenyika ndirwo rwuri kubatwa chirwere cheCovid-19.

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pamazana maviri nemakumi maviri nevaviri zvichitevera kuwanikwa kwevamwe gumi nevatanhatu vakabva kunze kwenyika vaine chirwere ichi muongororo yakaitwa neChitatu.

Vanhu ava, gumi nemumwe vari mudunhu reMatabeleland South, vaviri kuMasvingo, vamwe vaviri mudunhu reMidlands nemumwechete muHarare, vanonzi vose vakabva kuSouth Africa, uye vari munzvimbo dzinochengeterwa vanenge vabva kunze kwenyika, kana kuti quarantine centres.

Bazi iri rinoti vanhu chiuru nemazana mashanu nemakumi manomwe nemumwe vakavhenekwa nezuro munyika yose kana vaine hutachiwana hweCovid-19.

Kusvika pari zvino vanhu zviuru makumi mana nezvipfumbamwe nemazana matanhatu nevatatu vavhenekwa kuona kana vaine chirwere ichi. Vanhu vapora vachiri makumi maviri nevapfumbamwe, uye vashaya vachiri pavana.

Kuwanda kwevanhu vari kubatwa vaine chirwere vanenge vachibva kunze kwenyika kwaita kuti imwe nyanzvi mune zvehutano, Doctor Mathew Nyashanu, vakurudzire hurumende kuti ivheneke vanhu vose vachangopinda munyika, vasati vaendeswa kunzvimbo dzavanochengeterwa.

Doctor Nyashanu vanoti vamwe vevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi vanogona kunge vari kuzobata chirwere ichi vave munzvimbo dzavari kuchengeterwa idzi vakamirira kuzovhenekwa, sezvo vamwe vavo vachinzi vagara munzvimbo idzi kwemazuva anodarika makumi matatu.

Chikoro chepamusoro cheJohns Hopkins University chiri muAmerica chinoti vanhu vabatwa neCovid-19 pasi rose vadarika pamamiriyoni matanhatu nezviuru mazana mashanu, kana kuti 6.5 million, kuchitiwo vafa vadarikawo zviuru mazana matatu nemakumi masere nezvitanhatu nemazana mashanu kana kuti 386 500.

America ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi, vanodarika miriyoni nemazana masere ezviuru kana kuti 1.8 million.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano pamusoro pemabatirwo anonzi ari kuitwa vanhu munzvimbo dzavagere idzi.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG