Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvinoti Zvinotya Kushungurudzwa Munyaya dzeRusaruraganda


Vanhu vachiratidzira mushure mekufa kwaVaGeorge Floyd vari mumaoko emapurisa echichena. Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vakapindawo mukuratidzira uku.
Vanhu vachiratidzira mushure mekufa kwaVaGeorge Floyd vari mumaoko emapurisa echichena. Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vakapindawo mukuratidzira uku.

Kushaya kwaVaGeorge Floyd nemusi wa 25 Chivabvu vari mumaoko emapurisa muguta reMinneapolis, mudunhu reMinnesota, kwakasimudza kuratidzira kwakasimba pasi rose vanhu vachinyunyuta pamusoro perusaruraganda rwunonzi rwuri munyika yeAmerica pamwe nedzimwe dzakawanda pasi rose.

Chakanyanya kutsamwisa vanhu vairatidzira ava ndechekuti VaFloyd vakafa vari mumaoko emapurisa echichena, ayo agara achipomerwa mhosva yekubata vatema muAmerica nekunze kweruoko.

Mukati mevanhu vakaratidzira maivewo nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyanasiyana, zvaikurudzirawo kuti nyaya yerusaruraganda isave nenzvimbo munguva ino yekurarama, zvikuru kune vari kugara muAmerica.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica, reZimbabwe Diaspora Network North America, VaEsau Mavindidze, vanoti vana veZimbabwe vakawanda vari muAmerica vakapinda mukuratidzira uku nekuti kunovabatawo sevanhu vatema vari munyika iyi.

VaMavindidze vanoti nyaya yerusaruraganda muAmerica inyaya inotyisa vabereki vakawanda vekuZimbabwe vane vana vari kuyaruka, zvekuti nguva zhinji vabereki ava vanoyeuchidza vana vavo kuti vasapikisa zvavo kana vakamiswa nemapurisa kana kusungwa, sezvo vatema vakawanda vari kuurayiwa nemapurisa vari kusangana nenjodzi munguva dzakadai.

Hurukuro naVaEsau Mavindidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG