Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kubva kuSouth Africa Vane Covid-19 Hwotyisa Nyanzvi dzeHutano


Vanobva kuSouth Africa vakawanda ndivo vari kunzi vari kubatwa vaine chirwere cheCovid-19 vakawanda.
Vanobva kuSouth Africa vakawanda ndivo vari kunzi vari kubatwa vaine chirwere cheCovid-19 vakawanda.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana matatu nemakumi masere nevanomwe, zvichitevera kuwanikwa kwevanhu vana vakadzoka kubva kuSouth Africa vaine chirwere ichi.

Vanhu vanosvika mazana matanhatu nemakumi mashanu nevatanhatu vakavhenekwa neMuvhuro kuti vane chirwere che covid-19 here kana kuti kwete. Vapona kubva kuchirwere ichi vasvika pamakumi mashanu nevana uye vashaya vachiri vana.

Munyika yose vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe nezana nemakumi mapfumbamwe nevana vavhenekwa kuti vaonekwe kana vaine chirwere ichi.

Pasi rose vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika pamamiriyoni masere uye vafa vadarika mazana mana nemakumi matatu nezvinomwe ezviuru nemazana mashanu.

America ine vanhu vave kudarika mamiriyoni maviri vabatwa nechirwere ichi, vafa vachidarikawo zviuru zana negumi nezvitanhatu nezana.

Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubva kuSouth Africa vari kuwanikwa vaine chirwere ichi kwave kutyisa sezvo vanhu ava vari kugona kunge vachibatira chirwere vari munzvimbo dzavari kuchengeterwa vapinda munyika.

Studio 7 yatumira mibvunzo kune vari kutungamira hurongwa hwekurwisana neCovid-19 mudunhu reHarare Doctor Prosper Chonzi asi vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

Asi mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano Doctor Portia Manangazira vati vari kuvheneka vanhu vose vari kubva kunze nevari munyika asi lkuti vari kubva kunze ndivo vari kuwanikwa vaine chirwere vakawanda.

Imwe nyanzvi, Doctor Edgar Munatsi, vanoti hurumende inofanirwa kuchitambanudza zvakanyanya hurongwa hwekuongorora vanhu uhwu kuitira kuti ivheneke nehuwandu vose, vari kubva kunze nevagara vari munyika.

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG