Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Musi wa 28 Chikunguru


Musikana wechikoro
Musikana wechikoro

Hurumende yakazivisa neChipiri manheru kuti dare remakurukota rakanga rawirirana kuti zvikoro zvivhurwe musi wa 28 Chikunguru, unove mwedzi unouya.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wemakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati dare remakurukota rakanga raendesa mberi zuva rekuvhurwa kwezvikoro, kubva pamusi wa 29 Chikumi kuenda pamusi wa 28 Chikunguru, unova mwedzi unouya, kuitira kupa mukana kubazi rezvedzidzo kuti rikwanise kutsvaga zvikwanisiro zvinodiwa zvose zvikoro zvisati zvavhurwa.

Amai Mutsvangwa vakati vana vari kunyora bvunzo dzepakati pegore vachaenderera mberi nekunyora pamazuva akatarwa kare.

Asi masangano evarairidzi agara ari kuramba kuti zvikoro zvikasike kuvhurwa pasati pave nehwaro hwakajeka hwekuti chirwere che Covid-19 chichamiswa sei kuti chisapararira muzvikoro, uye kucheneswa kwezvimwe zvikoro zvakanga zvichishandiswa senzvimbo dzekuchengetera vanhu vari kubva kunze kwenyika vakamirira kuvhenekwa kuona kana vaine hutachiona hwecoronavirus.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti kana zuva ratarwa iri rikasvika pasina zvinovagutsa zvinenge zvaitwa muzvikoro, vachaenda kumatare edzimhosva kuti vamise hurumende kuita zano ndega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG