Accessibility links

Breaking News

Vashandi Munyaya dzeHutano Vanozivisa nezveKuramwa Mabasa Kwavo


Vanamukoti navanachiremba vari kuratidzirawo muHarare neBulawayo vachinyunyuta nemihoro yavari kutambira.
Vanamukoti navanachiremba vari kuratidzirawo muHarare neBulawayo vachinyunyuta nemihoro yavari kutambira.

Vashandi mubazi rezvehutano vari pasi pesangano rinomirira vashandi reHealth Apex, vazivisa hurumende kuti vakanda mapadza pasi kubva iye zvino kusvika zvichemo zvavo zvemihoro pamwe nemari dzekubatsirikana zvagadziriswa.

Danho ratorwa nevashandi rekuramwa mabasa iri rinouya panguva iyo hurumende ichangobva kuzivisa kuti yawedzera vashandi vayo mihoro nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, uye kuvapa mari yekubatsirikana munguva ino yeCovid-19 inoita madhora makumi manomwe nemashanu emari yekuAmerica pamunhu.

Asi kubva neChitatu pakaziviswa mashoko aya nehurumende, masangano evashando akawanda akaramba kutambira mari idzi achiti haana kugarwa nawo pasi, uye hapana chadzichatenga.

Vamiriri vemasangano gumi nemana ari musangano re Health Apex vasaina gwaro rasvitswa kuHealth Services Board richizivisa hurumende kuti vashandi vari kuda kuti mihoro yavo idzoserwe payaive muna Gumiguru 2018, apo vaitambira mihoro yavo ichifambirana nedhora rekuAmerica.

Vashandi ava vanoti mihoro yavo yemadhora zviuru zvitatu zvemari yemunyika haina chaichatenga nekuda kwekushaya simba kwemari yemunyika.

Kuramwa mabasa kwevashandi vezvehutano uku kunouya panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19, icho chiri kuramba chichibata vanhu vakawanda munyika.

Mamwe emasangano asaina gwaro iri anosanganisira Zimbabwe Nurses Association, Senior Doctors Association, Zimbabwe Hospital Doctors Association, Zimbabwe Government Radiographers Association, Zimbabwe Pharmacy Technicians Association, pamwe neravananyamukuta reZimbabwe Confederation of Midwives.

Studio7 haina kukwanisa kubata veHealth Services Board kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Asi mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti danho ratorwa nevari muhutano ava harishamise nekuti hapana asingazive matambudziko ari kusangana nevashandi vari mune zvehutano, ayo asiri kugadziriswa nehurumende.

VaRusike vati vanokurudzirawo kuti hurumende isiyane netsika yekuona vashandi vezvehutano ava sevana vadiki vekuti inongopa vimbiso dzaisingazozadzise, vachiti inofanirwawo kugara navo pasi ichinzwa divi ravo, kwete kungomuka ichiti yavawedzera mihoro yavasina kuwirirana vose.

Mamwe masangano evarairidzi akatozivisawo kuti acharamwa mabasa kutanga svondo rinouya achinyunyutawo nenyaya dzemihoro.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG