Accessibility links

Breaking News

Vashandi vezveHutano Vanopinda Muzuva Repiri Vachiramwa Mabasa


Vanamukoti nevamwe vari muboka rezvehutano vapinda muzuva repiri vachiramwa mabasa.
Vanamukoti nevamwe vari muboka rezvehutano vapinda muzuva repiri vachiramwa mabasa.

Vashandi vezvehutano muhurumende vapinda muzuva repiri nhasi vachiramwa mabasa vachiti vanoda kuti hurumende ivabhadhare mihoro inoenderana nekuoma kuri kuita zvinhu zuva nezuva.

Vashandi vari pasi pemasangano gumi nemana ari muboka rezvehutano vanoti vari kuda kuti mihoro yavo ive iri mumadhora ekuAmerica, uye vachiipiwa iri mumihoro yavaitambira Gumiguru 2018 asati asvika.

Mutungamiri wesangano ravana mukoti, reZimbabwe Nurses Association, uye vari mutauriri wemasangano ose evashandi vezvehutano ari mu Health Apex, VaEnock Dongo, vanoti vashandi vari kunyunyuta kuti mihoro yavo yavari kuwana iri mumadhora emunyika, haina chaichatenga sezvo zvinhu zvose zviri kutengeswa munyika zvave kutarwa mitengo nemari yekunze.

Kuramwa mabasa uku kunouya munguva iyo hurumende yakawedzera vashandi vayo vose mihoro nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, uye kuvapa madhora ekuAmerica makumi manomwe nemashanu semari yekubatsirika munguva ino yeCovid-19.

Asi masangano ose evashandi vehurumende ari kushoropodza danho rehurumende iri achiti haana kugarwa nawo pasi.

Studio 7 yakundikana kubata sachigaro veHealth Services Board, Dr. Paulinus Sikhosana, kuti tinzwe kana paine matanho avari kutora panyaya iyi.

Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanyora padandemutande reTwitter vachijekesa kuti mari yekubatsirika yeCovid-19 ndeyemwedzi mitatu chete, uye inogona kuzotarisiswa nezvayo, uye haineyi nechekuita nenhaurirano dzemihoro dzeTripartite Negotiating Forum.

VaDongo vanoti kubva pavakaendesa tsamba kuhurumende nezuro havana chavati vanzwa.

Asi VaDongo vanoti chiri kungodiwa nevashandi ndechekuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo kuitira kuti vakasike kudzokera kumabasa avo kuitira kuti vabatsire munguva ino yeCovid-19, apo ruzivo rwavo rwuri kudiwa chose.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG