Sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoti kusvika musi wa 09 Chikumi, unove mwedzi uno, mhuri ine vanhu vatanhatu yaida madhora emunyika zviuru makumi mana nemazana matanhatu ane makumi masere nemaviri, kana kuti RTGS$40 682.84, kuti ikwanise kurarama.