Accessibility links

Breaking News

Mari Inonzi neCCZ Inodiwa neMhuri paMwedzi Inonzi Inotambirwa neVashandi Vashoma Kwazvo


Murttungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa
Murttungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa

Sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoti kusvika musi wa 09 Chikumi, unove mwedzi uno, mhuri ine vanhu vatanhatu yaida madhora emunyika zviuru makumi mana nemazana matanhatu ane makumi masere nemaviri, kana kuti RTGS$40 682.84, kuti ikwanise kurarama.

Asi mutungamiri werimwe sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti mari iyoyo iri kutaurwa neConsumer Council of Zimbabwe yatove pasi kwazvo pachitariswa kukwira kwemitengo yezvinhu.

VaMutasa vanoti iyo mari yacho yaidiwa nemhuri kuti irarame hakuna mushandi ari kuitambira sezvo vashandi vari kupiwa mihoro iri pasi kwazvo isina chaichatenga.

Izvi zvatsinhirwawo nemunyori mukuru werimwe sangano revashandi, reZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira, avo vanoti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kutoda mari inoita madhora zviuru zvishanu pamwedzi kuti ikwanise kurara nekuda kwekukwira kuri kuita mitengo yezviinhu.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vanorarama nekutengesa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzayi, vanotiwo dambudziko rekushaya mari inokwanira mhuri ratonyanya munyika nekuda kwekuti vazhinji vave kuzvishandira.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti mari yakataurwa neConsumer Council of Zimbabwe inoratidza kuti mutengo wekurarama muZimbabwe uri kuramba uchikwira, zvikuru mushure mekudzikwa kwemutemo weStatutory Instrument 127.

Doctor Chitambara vanotiwo mihoro iri kutambirwa nevashandi vakawanda mumapoka mazhinji iri kure kwazvo pachitariswa mari inonzi inodiwa nemhuri yevanhu vatanhatu iyi.

Vanoti semuenzaniso, vashandi vemuboka rezvekurima vari kutambira madhora zviuru zvitatu nemazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti RTGS$3 696.00 pamwedzi, kuchitiwo vari muboka remachira vachitambira madhora zviuru gumi nezitatu pamwedzi, (RTGS$13 000.00), vari mukuvaka vachinziwo vari kutambira madhora zviuru zvisere, kana kuti RTGS$8 000.00.

Doctor Chitambara vanoti mari iyi ishoma zvikuru pane inonzi neConsumer Council of Zimbabwe inodiwa kuti mhuri ine vanhu vatanhatu vararame iyi.

Saka dambudziko iri ringagadziriswa sei?

VaShamuyarira vanoti chasara chinofanirwa kuitwa nevana veZimbabwe kubatana kwevashandi pamwe nevarimi voenda kuhurumende, kwete nnechinangwa chekuibvisa pachigaro, asi kuti vagare pasi vataurirane vese voisa misoro pamwechete.

Studio7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, kuti tinzwewo kuti vanoti kudii namararamiro anonzi ari kuita vashandi aya sezvo vanga vasiiri kudaira nharembozha yavo, uye vanga vasati vapindura mubvunzo wedu pataenda pamhepo.

Nhaurirano dzemihoro pakati pevashandi nevashandirwi kusanganisirawo vashandi vehurumende, dzinonziwo nevashandi hadzisi kuburitsa chimuko sezvo dzisina kwadziri kuenda.

Nekuda kwaizvozvo, nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vashandi vacharamba vachinoga svosve nemuromo.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG