Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neMumwe Vanofa neCovid-19, Mamwe Matunhu Achinzi Akaputika Denda Iri


Huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 hunonzi huri kuramba huchikwira munyika.

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti vanhu gumi nemumwe (11) vakafa nechirwere cheCovid-19 zvakasiya vafa nechirwere ichi vave chiuru nemazana manomwe nemakumi matatu nevatanhatu, kana kuti 1 736.

Kubva Muvhuro svondo rapera kusvika neSvondo svondo rino kwakafa vanhu makumi matanhatu nevana, kana kuti 64.

Vanhu mazana mana nemakumi maviri nevana, kana kuti 424, vakawanikwawo vaine chirwere ichi nezuro wakare, izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva zvachatanga hwasvika pazviuru makumi mana nezvitanhatu nemazana mana nemakumi mana nevaviri, kana kuti 46 442.

Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vakasvikawo pazviuru makumi matatu nezvinomwe nemazana masere ane gumi nevanomwe, kana kuti 37 817.

Hurumende yakadzika mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu mukatunhu anoti Kariba, Karoi, neChinhoyi mudunhu reMashonaland West, neKwekwe mudunhu reMidlands.

Nzvimbo dzinonzi dziri kunyanya kupararira chirwere ichi zvekuti dzinogona kudzikwa mitemo yakaoma yekuti vanhu vasafambefambe dzinoti Chinere, neDoro kuMashonaland West, Bikita kuMasvingo, Shamva kuMashonaland Central, Marondera kuMashonaland East neNkulumane, Emakhandeni pamwe nemisha iri kumaodzanyemba kweBulawayo.

Kubvawo zvatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba munyika yose, vanhu zviuru mazana manomwe nemakumi mashanu nezvitanhatu zvine mazana maviri nemakumi mapfumbamwe memumwe, kana kuti 756 291, vabaiwa nhomba yekutanga.

Vamwe zviuru mazana mashanu negumi nezvisere nemazana mapfumbamwe nemakumi masere, ka akuti 518 968 vabaiwawo nhomba yepiri sezvinokurudzirwa.

Hurumende inoti inotarisira kunge yabaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 pakupera kwegore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG