Kanzuru yeguta reHarare yazivisa kuti ine nzvimbo makumi matatu neimwe, kana kuti 31, dzayakatara dziri mumisha inogara vanhu kuti dzinge dzichibairwa nhomba yekudzivirira Covid-19.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo, ichishanda nebazi rehutano, yakatora danho iri senzira yekurerutsira veruzhinji kuti vasafamba mitunhu yakareba kunobaiwa nhomba, uyewo kuitira kurerutsa dambudziko rekuungana kwevanhu vave kuda kubaiwa nhomba pari zvino.
Nzvimbo dzaziviswa nekanzuru dzinoti:
Braeside FHS Clinic, Hatfield Satellite Clinic, Sunningdale Satellite Clinic, Waterfalls Satellite Clinic, Tariro Satellite Clinic, Rutsanana Polyclinic, Western Triangle Satellite Clinic, Glenview Satellite Clinic, Glen View Polyclinic, Glen Norah Satellite Clinic, Budiriro Polyclinic.
Budiriro Satellite Clinic, Mufakose FHS Clinic, Kambuzuma Polyclinic, Kuwadzana Satellite Clinic, Kuwadzana Polyclinic, Warren Park Polyclinic, Rujeko Polyclinic, Belvedere Satellite Clinic, Mabelreign Satellite Clinic, Marlborough Satellite Clinic, Avondale Satellite Clinic neMt. Pleasant Satellite Clinic.
Mbare Polyclinic, Hatcliffe Polyclinic, Borrowdale Satelite Clinic, Highlands FHS Clinic, Eastlea FHS Clinic, Greendale FHS Clinic, Mabvuku Satelite Clinic, pamwe chete neHighfields Polyclinic.
VaChideme vazivivasawo kuti zvipatara zviviri zvehurumende zvinoti Parirenyatwa Central Hospital neSally Mugabe Central Hospital, uyewo zvakazvimirira zvoga zvinoti Cimas Borrowdale Clinic ne Health Point zviri kubairwawo nhomba yekudzvirira Covid-19.
Panyaya yekuti vamwe vari kutadza kubaiwa nhomba ivo vaswera vari mumitsetse, VaChideme vanoti dambudziko riripo nderekuti vakoti vaita vashoma zvichienzaniswa nehuwandu hwevanhu vari kubuda vachida kubaiwa, asi vanoti vanotarisira kuti dambudziko iri richagadzisirwa nekukasika.
Vanovimbisawo kuti makirinika avo ane nhomba inokwanira vanhu vose vachiti vachawaniswa zvakare nehurumende imwe yenhomba mamiriyoni maviri yapinda munyika.
Facebook Forum