Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuBergen, kuNorway, Doctor Victor Chimhutu, vari kukwanisa kubatanidza basa ravo semudzidzisi wepachikoro chepamusorosoro cheBergen University panguva imwechete vachitungamira zvakare sangano rinorwira kugara kwakanaka kwevana veZimbabwe re “Zimbabwe Yadzoka/Mayibuye iZimbabwe”, uko vari sachigaro.
Doctor Chimhutu, avo vave nemakore anodarika gumi vari muNorway, vanodzidzisa zvidzidzo zvakanangana nebudiriro munyaya dzehutano, uye zvinyorwa zvavo zvizhinji vanoti zvakanangaga nenyika dzichiri kusimukira dzinosanganisira dzemuAfrica.
Doctor Chimhutu vanotiwo sangano ravo re”Zimbabwe Yadzoka/Mayibuye iZimbabwe” riri kushandawo kumaruwa richidzidzisa vagari kuti vavewo nemuono mumwechete nevagari vekumaguta nemadhorobha, zvikuru munyaya dzebudiriro neruzivo.
Vanoti chinangwa chesangano ravo hachisi chekupinda mune zvematongerwo enyika kwete, asi kudzidzisana nezvekuvhota pamwe nekuti vanhu vazive kodzero dzavo.
Facebook Forum