Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Meya veHarare, VaManyenyeni, Vanobuda muChipatara Mushure meKupona kuCovid-19


Vaimbove meya veguta reHarare VaBenard Manyenyeni.

Bazi rezvehutano razivisa kuti vanhu makumi mashanu nevapfumbamwe (59) vakafa neCovid-19, vamwe mazana mapfumbamwe negumi nevaviri, (912) vachiwanikwa vaine chirwere ichi neSvondo.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwakwira kusvika pazviuru zviviri nezana nemakumi masere nevashanu, kana kuti 2 185.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose hwakasvikawo pazviuru makumi matanhatu nezvinomwe nemazanaa manomwe ane makumi matanhatu nevashanu, kana kuti 67 765.

Vanhu zviuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu negumi nevanomwe, kana kuti 45 617, vakanga vapora kubva kuchirwere ichi.

Vanhu zviuru mazana masere nemakumi mapfumbamwe nezvishanu nemazana mapfumbamwe nemakumi masere, kana kuti 895 980, vanonzi vakanga vabaiwa nhomba yekutanga inodzivirira COVID-19 nyika yose.

Guta reBulawayo richishanda nebazi rezvehutano, rinonzi raizvisawo kuti vana vane makore gumi nemasere vave kukwanisa kunobaiwa nhomba senzira yekudzvirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Zvichakadaro, vaimbove meya weguta reHarare, VaBenard Manyenyeni, avo vakanga vapinda muchipatara neMugoivera pamwechete nemudzimai wavo Amai Francesca Manyenyeni nemushandi wavo, vabuda muchipatara mushure mekupora kubva kuCovid-19.

Vatatu ava vanga vari muchipatara cheArundel Mediclinic muHarare, umo vanga variri kurapwa.

Asi VaManyenyeni vanoti mudzimai wavo pamwe nemushandi wavo vambosara muchipatara umo vachiri kurapwa.

Vanoti ivo nemudzimai wavo vakabatira chirwere ichi mushure mekuenda kurufu kwaMurehwa svondo rapera, uko vakasangana nemumwe akanga abvawo nacho kuSouth Africa auya kurufu urwu.

VaManyenyeni vanoti pahutatu hwavo,ivo ndivo vanga vasina kunyanya kuvhiringidzwa neCovid-19 sezvo vakanga vabaiwa nhomba dzose dziri mbiri dzeSinopharm sezvinokurudzirwa.

Vanoti mudzimai wavo, uyo vanoti ari kurwara zviri nani, akanga angobaiwa nhomba yekutanga chete yeAstra Zeneca, uye anga amirira kuzobaiwa nhomba yepiri kana nguva yacho yakwanaka.

Asi vanoti mushandi wavo ndiye akabatikana nedenda iri zvakanyanya sezvo akaramba kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

VaManyenyeni vanoti kunyange hazvo kubaiwa nhomba iri sarudzo yedungamunhu, zvakakosha kuti vanhu vabaiwe kuitira kurerutsa dambudziko iri kana munhu achinge abatwa nedenda iri.

Vanokurudzirawo veruzhinji kuti vatevere mitemo yekudzivirira kupararira kwedenda iri zvinosanganisira kugeza maoko, kupfeka ma mask uye kusaungana.

VaManyenyeni vanotendawo hurumende nematanho airi kutora ekuedza kuti nyika iwane nhomba inoikwanira.

Hurukuro naVaBenard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG