Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa neCovid-19 muNyika Hwoshusha Nyanzvi dzeHutano


Kunyange hazvo vanhu vari kubaiwawo nhomba vari kuwanda, huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 hwave kunyanya kukwira zvakare.
Kunyange hazvo vanhu vari kubaiwawo nhomba vari kuwanda, huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 hwave kunyanya kukwira zvakare.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 zvakasiya vafa nechirwere ichi vave chiuru nemazana manomwe nemakumi maviri nevashanu, kana kuti 1 725.

Vanhu mazana masere nemumwe, kana kuti 801, vakawanikwawo vaine chirwere ichi, izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva zvachatanga hwasvika pazviuru makumi mana nezvitanhatu negumi nevasere, kana kuti 46 018.

Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vakasvikawo pazviuru makumi matatu nezvinomwe nemazana manomwe ane makumi matanhatu nemumwe, kana kuti 37 761.

Kubvawo zvatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba yekudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika yose, vanhu zviuru mazana manomwe nemakumi mana nezvinomwe zvine mazana matatu nemakumi matatu, kana kuti 747 330, vabaiwa nhomba yekutanga.

Vamwe zviuru mazana mashanu nezviviri nezana nemakumi manomwe nevasere kana kuti 502 178 vabaiwawo nhomba yepiri sezvinokurudzirwa.

Hurumende yakadzika mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu munzvimbo dzinoti Kariba, Karoi, Chinhoyi neKwekwe.

Nzvimbo dzinonzi dziri kunyanya kupararira chirwere ichi zvekuti dzinogona kudzikwa mitemo yakaoma kuti vanhu vasafambefambe dzinoti Doro, Chidamoyo, neNyangoma kuMashonaland West, Chiredzi kudunhu reMasvingo, Nkulumane, Emakhandeni nemisha iri kumaodzanyemba kwe Bulawayo.

Izvi zviri kuitika panguva iyo hurumende yakazivisa neMugovera kuti yanga ichangobva kutambira imwe nhomba yeSinopharm inosvika mazana mashanu ezviuru, kana kuti 500 000, kubva kuChina.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakaudza vatori venhau kuti vari kutarisira imwe nhomba mamiriyoni maviri kubva kuChina mukupera kwemwedzi uno.

Hurumende ine hurongwa kwekubaya vanhu mamiriyoni gumi panosvika pakupera kwegore rino senzira yekudzivirira Covid-19.

Nyanzvi mune zvehutano, Dr. Edgar Munatsi, vanoti zviri kuitika zvekuti huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 muZimbabwe nekuda kwekuti nyika dzakaikomberedza dziri kunetsana neyavari kuti 3rd wave.

Dr. Munatsi vanoti nekuda kwedambudziko rekuvhenekwa kwevanhu, huwandu huri kuburitswa nehurumende hunogona kunge hutori hushoma pane zvingadai zviri kuitika munyika.

Hurukuro naDr. Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG