Hurumende Inokurudzirwa Kuti Iwedzere Nzvimbo Dzinobaiwa Vanhu Nhomba yeCovid-19
Imwe yenyanzvi mune zvehutano, Dr. Edgar Munatsi, vanoti vari kukurudzira hurumende kuti iwedzere zvipatara nemakiriniki ari kubairwa vanhu nhomba yekudzivirira Covid-19 kuitira kuti vanhu vasaungane nehuwandu huri kuonekwa iye zvino munzvimbo shoma dzakadomwa kuti dziite basa iri.
Doctor Munatsi vanoti kuungana kuri kuita vanhu uye kutsikirirana vachirwira kuti vakwanise kuwana mukana wekubaiwa nhomba, pavanhu vashoma vanonzi vari kukwanisa kuwana nhomba iyi pazuva, kunogona kuzove dambudziko guru mune ramangwana, sezvo vanhu vachigona kutapurirana Covid-19 ipapo.
Kunyange hazvo hurumende ichinzi yakawedzera nzvimbo dzekubaira vanhu, kusanganisira makirinikiemakanzuru, vanhu vanonzi vari kuramba vachizara munzvimbo idzi sezvo vave kubuda nehuwandu kudarika zviitika kare.
Doctor Munatsi vanotiwo nekuona kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kumaruwa vave kubatwa nedenda iri, zvakakosha zvikuru kuti hurumende ikasike kuvhura nzvimbo dzekubaira vanhu nhomba mumaruwa ose emunyika.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, kuti tinzwe hurongwa hwehurumende panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa.
Asi Dr Munatsi vanoti hurumende inofanira kuwedzera nzimbo dzekubaya vanhu nhomba, pamwe chete nekuendesa mushonga uyu kunzvimbo idzi.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Facebook Forum