Accessibility links

Breaking News

VaTafadzwa Chikoto Vanosarudzwa Kuva Mutevedzeri waMeya weCorby kuBritain


Mutevedzeri wameya wedhorobha reCorby, VaTafadzwa Chikoto
Mutevedzeri wameya wedhorobha reCorby, VaTafadzwa Chikoto

Chizvarwa chekuZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto, avo vakasarudzwa kuve kanzura wedhorobha reCorby kuBritain muna Chivabvu wegore rino, vakasarudzwa zvakare kuve mutevedzeri wameya wekanzuru yedhorobha iri.

VaChikoto, avo vakakwikwidza musarudzo yemakanzura vakamirira bato reLabour Party, vanoti kudomwa kwavo pachigaro chepamusoro chakadai chinhu chinofadza zvikuru, zvikuru pachitariswa kwavanobva kuti vari munyika isiri yavo uyezve pachitariswawo nyaya yeganda chaiyo.

Vanoti vanotenda zvikuru Musiki pamwe nevana veZimbabwe vari kuramba vachivatsigira mukusimukira kwavari kuita mubasa rekanzuru iri.

VaChikoto, avo vakaberekerwa kuUzumba mudunhu reMashonaland East, vave nemakore anodarika makumi maviri vari muBritain.

Vanokurudzirawo vese vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vagarisane nekushanda pamwe chete nevavakidzani vavo munzvimbp dzavagere kana vachida kubudirira mune zvose zvavanenge vachiita.

"Chandinoda kukurudzira vana veZimbabwe kwese kwatiri kumativi mana kwenyika kwatiri kuti munzvimbo yatinenge tatambirwa kuti tigare, tikwanise kugara zvakanaka nevavakidzani vedu tichiteedzerawo mitemo, tichibatira pamwe chete munharaunda imomo, tigare zvakanaka."

VaChikoto vanoti izvi ndizvo zvinozoita kuti kana ukada kupinda pachigaro, chingave mukanzuru kana muhurumende, vanomira newe.

Hurukuro naVaTafadzwa Chikoto
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG