Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzezveHupfumi Dzoyambira Kuti Kukwira kweMitengo yeMasaisai Kuchakanganisa Zvakawanda


 Econet Wireless
Econet Wireless

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kukwidzwa kwemutengo wekushandisa nharembozha pamwe nemasaisai kana kuti data bundles nekambani yenharembozha, yeEconet Wireless, kuchakanganisa zvakawanda.

Doctor Chitambara vanoti nekuda kweCovid-19 vashandi vakawanda vave kushandira kudzimba, izvo zvinoita kuti vashandise masaisai, uyewo zvikoro zvizhinji zvave kuitisa zvidzidzo zvepadandemutande nekuda kwekuvharwa kwezvikoro.

Asi kambani yeEconet Wireless, yakaburitsa mashoko kuvatori venhau anoti yakamanikidzwa kutora danho iri nekuda kwekukwira kwemutengo wekuti irambewo ichishanda.

Mumashoko ayo, Econet Wireless inoti mutengo wemagetsi nedhiziri ndezvimwe zvakaimanikidza kutora matanho aya.

Econet Wireless yakakwidza mitengo yayo nezvikamu makumi maviri kubva muzana kutanga neChitatu izvo zvinonzi nenyanzvi mune zvehupfumi zvichakanganisa mashandiro emabhizimusi pamwe nedzidzo yevana vechikoro, avo vari kudzidza vachishandisa dandemutande munguva ino yeCovid-19.

Semuenzaniso, mutengo wekushandisa nharembozha kwemaminitsi maviri wakakwira kubva pamadhora emunyika masere nemasendi makumi mana kuenda pamadhora gumi.

Econet Wireless yakakwidzawo mutengo webhanduru rine 20 Megabyte (MB) rekushandisa pazuva kubva pamadhora makumi maviri kuenda pamadhora makumi maviri nemashanu emari yekunyika.

Vanotenga bhanduru rekushandisa mwedzi wese re eight gigabyte (GB) wakakwirawo kubva pamadhora chiuru nemazana mashanu nemakumi matanhatu (ZW$1 560.00) kuenda pamadhora zviuru zviviri nemakumi matatu (ZW$2 030.00).

Masaisai eWiFi emwedzi wese kana kuti Private WiFi ine 50GB akakwirawo kubva paZW$4 800.00 kuenda paZW$6 240.00.

Mabhanduru annoshandiswa nevanoita zvidzidzo zvepadandemutande, kana kuti 10GB e-Learning bundle, anokwana mwedzi wese vave kutarisirwa kuburitsa ZW$2 240.00 kubva pa ZW$1 720.00.

Doctor Chitambara vanoti kukwira kwemitengo yemasaisai pamwe nenharembozha uku kuchakonzerawo kukwira kwemitengo yezvimwe zvinhu zvakawanda, sezvo makambani achishandisawo masaisai mumabasa awo mazhinji.

Hurukuro naDoctpor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG