Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC Alliance Rocherechedza Zuva reKushungurudzwa kweNhengo Dzaro Musarudzo dza2008


Bato reMDC Alliance rinoti nhengo dzaro dzakawanda dzakapondwa pamwe nekushungurudzwa muna 2008 nenhengo dzeZanu PF
Bato reMDC Alliance rinoti nhengo dzaro dzakawanda dzakapondwa pamwe nekushungurudzwa muna 2008 nenhengo dzeZanu PF

Bato reMDC Alliance rarangarira neSvondo vatsigiri varo varinoti vakapondwa nekushungurudzwa musi waChikumi 27, 2008, pamberi pesarudzo yemutungamiri wenyika yaidzokororwa, kana kuti Presidential Run-Off.

Bato iri rinopomera nhengo dzebato reZanu PF mhosva yekushandisa kuponda, kushungurudza, kuparadza misha pamwe nemidziyo uye kubata chibharo nhengo dzeMDC senzira yekutyisidzira vanhu kuti vasavhotere bato rinopikisa iri.

Chiitiko ichi chiri kuuyawo zuva rimwechete pasi rose rabatana mukucherechedza zuva rekurangarira vanhu vakashungurudzwa, kana kuti International Day of Torture Victims, iro rinocherechedzwa musi wa 26 Chikumi gore roga roga.

Mhirizhonga yemuna 2008 yakaitika zvichitevera kukundwa kwevaive mutungamiri weZanu PF, mushakabvu VaRobert Mugabe nevaive mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, musarudzo yemutungamiri wenyika yakanga yaitwa musi wa 29 Kurume 2008.

Kunyange hazvo VaTsvangirai vakakunda musarudzo iyi, mutemo wesarudzo wakati vakanga vasingakwanise kutora chigaro chemutungamiri wenyika sezvo vakakundikana kuwana mavhoti aiidiwa izvo zvakazoita kuti sarudzo iyi idzokororwe.

Asi VaTsvangirai vakazobuda musarudzo yeRun-Off iyi musi wa 22 Chikumi 2008, vachipa chikonzero chekuti mhirizhonga nekuurayiwa kwenhengo dzavo zvakanga zvanyanya kukwira.

Mhirizhonga iyi yakashoropodzwawo nemasangano eSADC pamwe neAfrican Union, izvo zvakazosvitsa pakuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa muna 2009.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti zuva iri izuva rinofanirwa kukosheswa nevana veZimbabwe vose vanoda runyararo, uye rinofanirwa kuve chidzidzo kuvanhu vose pamberi pesarudzo dzatarisana nenyika dza 2023.

VaHlatywayo vanoti zuva iri izuva rinofanira kuita kuti vana veZimbabwe varambe vakabatana kuitira kuti vazadzise zviga nezvido zvakafirwa nevana veZimbabwe vavanoti vakaparadzwa neZanu PF nenyaya yekuti vakanga vasingatsigire bato iri.

Studio 7 yakundikana kubata mukuru anoona zvekuburitswa kwemashoko muZanu PF VaTafadzwa Mugwadi kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mumwe wevechidiki veZanu PF, VaAlex Gakanje, vanoti Zanu PF iri kungozorwa mafuta enguruve yaisina kudya, sezvo pasina mhirizhonga yakaitika muna 2008, vachiti dai chiri chokwadi chekunzi kune vakadamburwa maoko vangadai vakamboonawo vaviri kana vatatu.

VaGakanje varambawo kuti muZanu PF munoitika mhirizhonga vachiti chinoitika mubato ravo kusanzwanana kwevanhu nekuti vakazvarwa kwakasiyanasiyana, asi mhirizhonga hamuna.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaAlex Gakanje
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG