Accessibility links

Breaking News

Kupindira kweZanu PF Zvichitevera Kuputswa kweDzimba Kwounza Mutauro


Makanzuru emunyika ari kuputsa zvivakwa, kusanganisira dzimba, dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo.

Vakuru vakati, “Itsitsi dzeyi tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa?”

Uyu ndiwo zvakare mubvunzo uri kubvunzwa nevamwe nhasi zvichitevera kupindira kwebato reZanu PF mukumisa kuputswa kwedzima kuMelfort mudunhu reGoromonzi.

Dzimba idzi dzinonzi nekanzuru pamwe nemapazi ekutongwa kwematunhu nekuvakwa kwedzimba, dzakavakwa zvisiri pamutemo.

Vamwe vanoti bato riri kutonga iri rakatora danho iri sezvo kuputswa kwedzimba idzi kwakaribaya panyama nhete nekuti dzimba dzakaputswa idzi ndedzenhengo dzeZanu PF.

Mumwe wevari kushoropodza kupindira kweZanu PF, mutungamiri weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, avo vanoti kuputswa kwedzimba hakwaifanirwa kutombobvira kwaitwa, asi vachiti hazvipe Zanu PF masimba ekupindira.

VaMaguwu vanoti dambudziko riri munyika nderekuti vanhu vaitengesa nzvimbo dzekuvakira vanozivikanwa kuti inhengo dzeZanu PF, uye kuti munhu awane chinhu munyika zvinozivikanwa kuti unofanirwa kunge uri nhengo yebato riri kutonga.

Vanotiwo hazvitarisirwe munyika ine hutongo hwejekerere kuti bato rezvematongerwo enyika rinounganidza makanzuru nemapazi ehurumende kumuzinda waro richivaudza zvekuita.

Kusawirira kwemapoka ari mubato riri kutonga iri kunonziwo nevamwe kunogona kunge kuri iko kuri kukonzera kusadhonza pamwe kuri kubuda uku, vachiti chiri kuitika ndechekuti Zanu PF pari zvino yave pasi pavanamuchenandebvu, avo vanonzi havateereri zvinenge zvichiitwa nemakurukota, ayo vanoti vana vachine mukaka pamhino.

Asi nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, uye vaimbove mumiriri weMpopoma-Pelandaba, VaJoseph Tshuma, vanoti Zanu PF yakanga yatononoka kupindira sezvo kuputswa kwedzimba nemakanzuru kuchikanganisa hupenyu nemagariro evanhu, zvisineyi nekuti ndevebato ripi.

VaTshuma varambawo zvipomerwa zvekuti kuti munhu awane cheuviri munyika anofanirwa kunge aine kadhi reZanu PF, vachiti zvakadaro zvinozivikanwa kuti ndizvo zvinoitwa nemakanzuru ari pasi pebato reMDC Alliance.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaJoseph Tshuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG