Accessibility links

Breaking News

Muimbi, Doctor Tawanda Benson, Anoti Lockdown Iri Kukanganisa Raramo Yake


Muimbi, Doctor Tawanda Benson
Muimbi, Doctor Tawanda Benson

Muimbi ane mukurumbira ari chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, Tawanda Kasaira, uyo anonyanyozivikanwa nerekuti Doctor Tawanda Benson, anoti denda reCovid-19 riri kukanganisa mashandiro ake zvakanyanya izvo zvakashandurawo raramo yake.

Doctor Tawanda Benson anoti mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19 wakasimbiswa muSouth Africa svondo rapera kuenda paLockdown Level 4, wakatowedzera matambudziko ake pamwe nevamwe vaimbi vakawanda sezvo vasisakwanise kunoridza munzvimbo dzvaisimbotandadza vanhu.

Anoti munguva yemimwe mitemo inenge yaive yakati nyevenukeyi yakaita seLockdown Level 2 ne3 vaimbi vaitombokwanisa kushevedzwa kunotandadza vanhu kungave kumichato kana kune mamwe mabiko, asi iye zvino nekusimbiswa kwemutemo uyu, zvese zvakavharwa.

Asi muimbi uyu anoti pano nepapo anomboridzawo mimhanzi pamadandemutande nezvivhitivhiti zvepamasaisai kuitira kuti arambe aine hukama nevatsigiri vake.

Doctor Tawanda Benson anoti kuti akwanise kuramba achirarama, akapindawo mune zvekuchengeta huku pamba pake kuMafikeng kwaanogara.

Doctor Tawanda Benson anotiwo kunyange hazvo zvinhu zvakaoma nekuda kweCovid-19, haana kumira kubika mimhanzi, iyo anoti ari kuisa pamadandemutande akasiyanasiyana anosanganisita Youtube.

Anotiwo mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa haisati yanyanyosvika mudunhu raanogara, kunyange hazvo pakamboita vamwe vakamboedza kupaza nekuba mune zvimwe zvitoro.

Hurukuro neMuimbi Doctor Tawanda Benson
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG