Accessibility links

Breaking News

Kambani yekuChina, yeSunny Yi Feng, Inopiwa Mwedzi Mitatu Kuti Igadzirise Zvinyunyuto zveVashandi


Kambani yeSunny Yi Feng yekuChina iri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevashandi
Kambani yeSunny Yi Feng yekuChina iri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevashandi

Kambani yekuChina,yeSunny Yi Feng iri kuNorton, iyo iri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevashandi vayo, inonzi yapiwa mwedzi mitatu yekuti inge yagadzirisa matambudziko ari kunetsa pakambani iyi pamwe nezvinyunyuto zvevashandI zvose.

Izvi zvinotevera musangano waitwa neChipiri mangwanani pakati pevakuru vekambani iyi nevamiriri vemasangano maviri makuru evashandi anoti reZimbabwe Congress of Trade Unions neZimbabwe Federation of Trade Unions, uye mutevedzeri wegurukota rezvevashandi nemabasa VaLovemore Matuke, wekuongorora zvinyunyuto zvakasimudzwa nevashandi, uye kuti zvingagadziriswa sei.

Vamwe vanonzi vapinda musangano uyu vanosanganisira vamiriri veNational Social Security Authority, NSSA, pamwe humiriri hwesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ.

Zvinyunyuto zvevashandi zvinosanganisira kurohwa nevanochengetedza kambani iyi, kupiwa chikafu chisingakodzeri kudyiwa nevanhu, kunyimwa nguva dzekuzorora, kugara nekurara munzvimbo dzakamanikidza, kusavepo kwezvimbuzi zvakakodzera, nezvimwe zvakawanda.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kunaVaMatuke sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira.

Hatina kukwanisawo kunzwa kubva kukambani yeSunny Yi Feng panyaya iyi.

Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vakuru vekambani yeSunny Yi Feng vanenge varatidza kunzwisisa zvasungwa pamusangano uyu, uye vanoti VaMatuke havana kuhwanda nemunwe, asi kuti vabuda pachena kuti hurumende inoda kuona zvinyunyuto zvevashandi zvichigadziriswa nekukasika.

VaMoyo vanoti kana zvinyunyuto zvevashandi zvakasagadziriswa, uye hurumende yakasatora matanho, ivo sesangano vachasvitsa nyaya iyi kusangano reInternational Labour Organisation, ILO.

Munyori mukuru weZFTU, VaKennias Shamuyarira, vanotiwo kana zvinyunyuto zvevashandi zvakasagadziriswa vashandi vachaungana vachiratidzira vachitsigira vamwe vavo.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro naVaKennias Shamuyarira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG