Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Mxolisi Ngwenya varamba mashoko ari kutaurwa negurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa ekuti vanachiremba vave kudzokera kumabasa sezvo zvichemo zvavo zvagadziriswa.
Nhasi mhuri yekwaItai Dzamara, vezvematongerwo enyika, vemachechi nevanorwira kodzero dzevanhu vari kutarisirwa kuungana muAfrica Unity Square vachirangarira murwiri wekodzero dzevanhu VaDzamara avo vakapambwa muna 2015.
Vanhu vana kubva kumhuri imwe chete vakafa mushure mekudya hohwa une muchetura kumusha weThandanani kuFilabusi Matabeleland South. Vamwe vanhu vana vanonzi vari kurwara zvakaipisisa.
IMF mumazuva mashoma anotevera iri kutarisirwa kutumira nhumwa dzayo kuZimbabwe pasi pechirongwa cheArtilce IV. Parizvino IMF iri kutsvaga nzira dzekubatsira Zimbabwe dzisingadi mari.
Vakatiwo vari kusora VaMugabe kuona zvavari kuronga votora matanho akakodzera kana zvaonekwa kuti vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika. VaMnangagwa vakataura mashoko aya muHarare pamusangano wevechidiki vebato ravo.
Murwendo rwavo rwekutanga kuAfrica, VaTillerson vari kusimbaradza nyaya dzekutengeserana, kurwisa vanopfurikidza mwerouye kukurudzira hutongo hwejekerere mu Africa.
Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaObert Mpofu, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vari kutarisirwa kubhadharazve imwe mari yakawanda semuripo kuvamwe vagari vepurazi reArnold Farm iro raizivikanwawo nekuti Manzou kuMazowe.
Vaimbova murwiri wehondo yerusununguko, Amai Margaret Dongo vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nehurumende mukugadzirisa zvido zvevanhu vakarwa hondo yerusununguko.
Hurumende kutanga nhasi inoti inenge yadzikisa mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari wemhando yeDiesel 50 kubva pamari inosvika dhora rimwe nemakumi matatu kusvika padhora nemakumi maviri nemaviri.
Gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatambira chikumbiro chavo chekuti vambopa mavhiki maviri mabhanga evemabhizimisi vanonzi vakaburitsa mari zvisiri pamutemo nguva yekuti vagadzirise mapepa avo.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakatozivisa kuti havasi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru muhurumende yavo.
VaSmith vakaudza dare iri kuti musangano uyu wainge wakanangana nekutsvagawo nzira dzekuunza hutongo hwejekerere muZimbabwe.
Zimbabwe iri kutarisirwa gore rino kuwana mari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe nemasere kubva pabhiriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu gore rapera.
Mutungamiri webato rinopikisa reNationa People’s Party, Amai Joice Mujuru, vanonzi neChishanu chapfuura vakanyorera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa gwaro rino zvinyunyuto zvine chekuita nesarudzo zvavanoti zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vanoti sarudzo dzichaitwa pakati pa21 Chikumi na 21 Chikunguru.
Election Resource Centre, Vinoti Zimbabwe Electoral Commission inofanirwa kuchikasika kuburitsa gwaro rinoratidza mafambisirwo achaitwa zvinhu kusvika musarudzo, sezvo nyaya yanga iri kumatare edzimhosva yakanzwikwa.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC-T Muzvare Thabitha Khumalo vanoti vari kushamisika nemashoko ari mubepanhau reSunday Mail rekuti mapurisa anoda kusunga vakafanobata chigaro chemutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa
Bepanhau reStandard nemusi weSvondo rakaburitsa mashoko ekuti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaudza vanhu vakauya pamhembererero yebhavhudhe ravo kumba kwavo kuBorrowdale kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vainge vavakumbira kuti vaite navo musangano.
Mutauriri webato rinopikisa reNational People’s Party rinotungamirwa naAmai Joice Mujuru VaJeffryson Chitando vanoti handi chokwadi kuti bato ravo ratobatana neMDC Alliance.
Vaive mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vakaradzikwa kumusha kwavo kuBuhera nezuro asi mubato mavo mabva matangazve makakatanwa pakuti ndiyani achatungamira bato iri pakati paVaNelson Chamisa, VaElias Mudzuri naMuzvare Thokozani Khupe.
Rodhai zvimwe